Ndinorota amai vangu

04 Feb, 2016 - 23:02 0 Views

Kwayedza

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri murume ane makore makumi mana ekuberekwa.

Dambudziko rangu tete nderekuti kakwana katatu ndichirota ndichisangana naamai vangu vekundibereka pabonde. Amai vangu vapenyu, vanogara kumusha ini ndiri mudhorobha nemhuri yangu.

Chindinonetsa ndechekuti pese pandinorota hope idzi, ndinopepuka ndichiita sekunge ndanga ndiine mudzimai wangu. Ndinotozoita mazuva ndichishaya simba, ndisingade zvemudzimai wangu. Chingave chii nhai tete? Ndashungurudzika.

Ephraim.

Chitungwiza.

MHINDURO:

Dambudziko rako muzukuru rava kusangana nevanhu vane chitsama, chava kunetsa ndechekuti vamwe vanaamai vave kushereketa vachichiva vanakomana vavo.

Mamwe madzimai vave kushandisa mishonga inoita kuti vasherekete nevanakomana vavo izvo zvakonzeresa kuti vana vamwene vavenge varoora.

Nokuti makare-kare zvakadai zvakanga zvisingawanikwe, hausi mushonga wekuti vanhu vapfume, nekuti havana kana mari yavanenge vainayo.

Urwu ruchiva rwekuda kurwadzisa mwana kuti asave nemudzimai kuitira kuti vapote vachimusevenzesa kumuita murume wavo, uyezve vachiita zvavanoda naye.

Dambudziko iroro, kunyangwe vari kunze kwenyika, vari kungoteverwa nevabereki vavo vachingoitwa zvimwe chete izvozvo.

Zano vandinokupa muzukuru nderekuti iwe batsirwa muvanhu vanoshandira zvechivanhu kana maporofita chaiwo, kwete venhema.

Kunamata bedzi kunoyamura dzimwe nguva. Imbozviedza uone, zvinopera.

Tete.

Share This:

Sponsored Links