Uncategorized

‘Ndinosema murume wangu’

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

MUDZIMAI ari kusvikirwa nemweya wengozi yemunhu akapondwa mudzinza ravo kwaMujinga, kuHurungwe, anoti haachakwanisa kupinda mumachira nemurume wake kuburikidza nekuti ngozi iyi ndeyechirume, nekudaro haidi kuti agumhwe nemurume wake.

Beatrice Mukumba (26), wepapurazi reAldhonyo, kuTengwe, anoti imba yake yava kuparara nekuda kwenyaya yengozi iyi.

Achitaura mushure mekunge afefemuka kubva mukumbobatwa nemweya uyu, mukadzi wechidiki uyu akati haachambonzwa kuda murume wake.

“Ndinonzwa kusada murume wangu, uye akatowana zvaanoda ndinonzwa hasha. Ipapo ndinenge ndiri murume saiye, tinobva tatanga kurwa zvekuti upenyu hwedu kugara tichirwa. Ndinomusema saka murume wangu semunhu anodawo mukadzi, anoguma ave kuti ko zvino ndizvo zvandakakuroorera here,” akadaro Beatrice.

Akarumbidza murume wake nekuramba ainaye achiti ane moyo murefu nekuda kwezvinoitika kwaari.

Beatrice mudzimai waDouglas Chipomwe, uyo waanoti akatobuda basa kuHarare nekuda kwedambudziko remweya wengozi uyu, kuti vanogara vose kumusha.

“Murume wangu anobva kuZvipani, takatosvika pakutama tikanogara nevabereki vangu. Kana basa akabuda uye ngozi iyi dai yaripwa ndagara nemurume wangu zvakanaka,” akadaro Beatrice uyo akange amboumburuka pasi mweya uyu wakamubata.

Anoti anorota achishinha nemurume anonzi akapondwa uyu, Kapuru Murandakumwe Machaya, zvisinei kuti iye haana kumbobvira amuona ari mupenyu.

“Mumba umu tinenge tiri varume vaviri, ndakapedzisira kurara pamwe chete nemurume wangu kare. Akangowana zvaanoda kuita neni mweya uyu unobva wasvika iye obva atya, kana kuti ini ndinotsika madziro tobva tarwa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>