Uncategorized

Ndinoshandisa Shato – pfambi

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Ndinoshandisa Shato – pfambi Mhomho yevanhu vaive vakaungana vachiona mukweshwa weshato

Kwayedza

Abel Zhakata naTendai Gukutikwa

“SHATO yangu ndinogara nayo ‘muroom’ mangu pahotera. Ndiyo inondikechera zvikomba nekundiita kuti ndihwinhe mutambo wenjuga.”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemukadzi wechidiki anonzi Queen Mpofu (21).

Guta reMutare rakazengezana nemusi weChitatu svondo rapera mushure mekunge mapurisa eko asunga mukadzi anobva kwaRusape uyu — asi anoita zvechipfambi — mushure mekuwanikwa achigara nemukweshwa weshato yakareba mamita matanhatu paimwe hotera yeko.

Vagari vemuguta iri vakaita chipata-pata kunoona Mpofu apo akange oita kuimba achiti zinyoka rake anoribhukira kugara naro “muroom” yepaNomara Lodge nekuti ndiro rinoshanda nemishonga inoita kuti akeche varume nekumuita kuti ahwinhe njuga.

Musi uyu yakaita jambanja pahotera chaiyo.

Mpofu anga achigara nezishato iri palodge iri maMutare iyi uye anotaura mashoko anotyisa achiti anoshandisa nyoka iyi nemishonga kuti awane mari mubasa rake rekutengesa muviri.

Mpofu anotambira paNomara Lodge, iyo inozivikanwa maMutare nezita rekuti “Pa Loice” uye anoti anoita varume vekukwezva nemishonga kuti asasane navo.

Kwenguva refu, Mpofu anga achigara akavanza nyaya yenyoka iyi asi gure rakazofumuka apo mumwe murume ainge “amukecha” akaita mahwekwe nezishato iri rakaurungana muzibhegi.

Mushure mekuona manenji aya, chikomba ichi chakapfeka mbatya chimbi-chimbi, ndokurova bara kunomhan’ara nyaya iyi kukamba yemapurisa yeMutare Central Police Station.
Murume uyu akadzoka palodge iyi ava nemapurisa asi hapana zvavakaona sezvo shato iyi yainge yabviswa mumba mayainge iri.

Zvakazobuda kuti apo Mpofu akaona kuti nyaya yake yenyoka yafumuka, akaitora ndokunoiviga muchisango chiri pedyo neMutare Motoring Club achibatsirana nemumwewo murume waakangoti ndibabamukuru vake.

Zvisinei, vaviri ava vakaonekwa nevamwewo vanhu apo vaiviga nyoka yavo.

Mumwe murume akabva azvuzvurudza shato iyi ndokuenda nayo pachiteshi chinokwirirwa matekisi cheMozambique Taxi Rank.

Nenguva pfupi, nyaya iyi yakazara pamadandemutande veruzhinji ndokuungana vachida kuona mashura aya.

Muhurukuro neKwayedza pakamba yemapurisa yeMutare Central Police Station, Mpofu anoti anoshandisa shato iyi pamwe chete ne”necklace” kuti aiite mari.

Anoti pose paanosasana nevarume kana kuti paanotamba njuga, ane zvaanotanga aita achikumbira nyoka iyi kuti imutungamirire mubasa rake.

“Ndinoshandisa zvinhu izvi uye hazvina munhu wazvakakuvadza. Kunyangwe mukabvunza vemhuri yangu nevehukama, vanokuudzai kuti hapana ari kukanganiswa upenyu hwake kana kurwariswa nezvinhu izvi.

Hakuna kumbofiwa mumhuri medu kana kuitika zvimwe zvirwere zvisinganwisisike.

“Chandinongoda imari yekuriritira mhuri yangu bedzi. Handina murume, ndakarambana nemurume wangu kare uye ndinofanirwa kuchengeta vana vangu,” anodaro Mpofu.

Mushure mehurukuro iyi, Mpofu akabva atorwa nemapurisa ndokuendwa naye kuMutare Museum uko mapurisa akange akumbira vebazi reZimbabwe Parks and

Wildlife Management Authority kuti vaendese nyoka iyi kunoichengetedza.

Shato inyoka inochengetedzwa pasi pemitemo yemuZimbabwe.

Vashandi vepaMutare Museum vanoti vakaona nhamo vachiedza kudzikamisa nyoka iyi apo yaipengereka munguva dzehusiku.

“Takaona moto apo tanga tichida kuiisa mukeji mushure mekunge yatiza musaga mayaiva ndokunohwanda pasi pebhazi.

Vanhu vanosvika vasere varwisana nayo kuti vaibvise pasi pebhazi apa asi vakatadza.

Tazotora tambo ndokuisunga tichienda nayo kuchiteshi chemabhazi kuti isatize.

“Tazobata musoro wayo ndokuzoiisa mukeji. Nyoka iyi ihuru uye ine simba rinokwanisa kusvika matani mana,” anodaro mushandi uyu uyo akati haakwanise kuburitswa zita rake nekuda kwemutemo wake webasa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanoti Mpofu anotarisirwa kupinda mudare achitarisana nemhosva yekutyora mutemo wezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, weParks and Wildlife Act.

Share This:

Sponsored Links