‘Ndinozvishandira, handimirire mari yemurume’

29 Mar, 2023 - 10:03 0 Views
‘Ndinozvishandira, handimirire mari yemurume’ Mai Marandu mumunda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuBuhera – uyo anove hurudza – ari kukurudzira vamwe vanhukadzi kuti vasagarire maoko, asi kuti vaite mabhindauko anoraramisa mhuri dzavo.

Mai Modester Marandu (47) vemubhuku raMusendeki, kwaNyashanu, vanova mudzimai waVaRabson Musendeki (75), murimi anozivikanwa mudunhu reBuhera nekurima mbesa dzinosanganisira mhunga nerukweza.

“Hongu, ndiri mudzimai ari pamusha wake nemurume uye munhu woga-woga ane munda wake waanorima. Ndine makore akawanda ndichirima rukweza, nzungu nenyimo. Izvozvi ndine munda werukweza wakakura hekita uyewo nyimo nenzungu ibvupfuwe. Mbeu yandakarima yerukweza urwu ndakaipihwa nababa,” vanodaro Mai Marandu.

Vanoti kubva mukurima, vakwanisa kuvaka musha wavo nekutengawo mombe nembudzi nezvimwe zvavanoda pamusha.

“Ini handimirire mari yemurume nekuti ndinozvirimira, ndakavaka musha uno nemari yangu yekurima, ndikatenga mombe dzangu nembudzi.

“Ndini ndakacheresa mugodhi pamusha nekuita zvimwe zvinounza budiriro. Ndine mwana ari kuita Grade 5 uyo anowana zvose zvaanoda.

“Tinodyawo zvatinoda, zvekurimisa zvakaita sefetiraiza nemishonga inodiwa ndinotenga ndoga zvisinei kuti baba vanondibatsira apo neapo,” vanodaro Mai Marandu.

Vanoti havana musiwo webhanga wavanoziva asi vanorarama upenyu hunodarika hwevamwe vanhu vanoenda kumabasa epakambani.

“Izvozvi mumunda wangu werukweza ndinotarisira kukohwa tani yezviyo. Pakutengesa, ndinoda munhu anotenga kamwe chete, mugomo werukweza ndichiita US$15 kana US$20.

“Vanouya pamusha pangu, votenga nekutakura nedzimotokari dzavo. Nyimo tinotengesa dziri nyoro zvose nenzungu uyewo dzimwe tinozotengesa dzaoma.

“Kutaura chokwadi pasina kushora, ini handiverenge varume, ndoga ndakazvimirira. Ndinozvitemba pakurarama,” vanodaro.

Mai Marandu vanokurudzira mamwe madzimai kuti vapinde mubasa rekurima.

“Ngatisamirira kutarisa varume pakurarama zvakanaka, asi kubatsirana navo tichimira semadzimai. Ndava nemakore anodarika mana ndiri mubasa rekurima zviyo chinova chirimwa chinoita zvakanaka kuno kuBuhera sezvo kusinganaye mvura zvakanaka.”

Zvimwewo zvavanorimwa naMai Marandu zvinosanganisira mapfunde, mhunga, bhinzi, nyemba nembambaira.

“Dambudziko randinaro iro randidzosera kumashure zvishoma kutyoka kwandakaita gumbo ndichibva kumusangano. Asi zvakadaro, gumbo iri rava kupora uye ndinoita zvakanaka.

“Ndinoti kuvanhukadzi vakaita seni ngatisimudzirei mureza weZimbabwe semadzimai nekuzvishandira,” vanodaro Mai Marandu.

Vanokurudzirawo kurimwa kwembesa dzinoshingirira muzuva kumatunhu anonaya mvura shoma sezvinoitika kuBuhera.

Share This:

Sponsored Links