Ndiri kuenda kuAfcon: Chigova

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Ndiri kuenda kuAfcon: Chigova George Chigova

Kwayedza

Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi wechikwata chenyika chemaWarriors nePolokwane City yekuSouth Africa, George Chigova, anoti akarwadziwa zvikuru nekutadza kuenda kwaakaita kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon) gore rakadarika nekudaro ari kushanda nesimba kuti agoenda kumakwishu aya gore rinotevera kuCameroon.

Mumutambo weAfcon 2017 uyo wakaitirwa kuGabon, Tatenda Mkuruva ndiye akasarudzwa kubatira maWarriors naKalisto Pasuwa uyo aive murairidzi wechikwata chenyika ichi panguva iyi. Asi kuzobva kwaPasuwa kuchiuya Norman Mapeza, Chigova ndiye akabva ashevedzwa kuzobatira maWarriors uye Sunday Chidzambwa – uyo akazotsiva Mapeza – akauya ndokuvimbawo naChigova.

Saka mutambi uyu ane mukana mukuru wekuve mubati wepagedhi wemaWarriors gore rinotevera kuCameroon asi hunge chikwata chenyika ichi chakabudirira kuenda kumutambo uyu.

Muhurukuro neKwayedza svondo rapera apo maWarriors akaita mangange 1-1 neDemocratic Republic of Congo kuNational Sports Stadium, Chigova anoti, “Handizvivanze, Afcon yekupedzisira ndakarwadziwa kusashevedzwa kuti ndiende kunomiririra nyika yangu, asi zvakadarika. Iye zvino ndine mukana wekuenda gore rinotevera asi hunge ndikaramba ndichishanda nesimba. Hatizive zvichaitika kubva iye zvino nepachapera mwaka, pamwe murairidzi anogona kusarudza mumwe mubati wepagedhi kuti aende saka ini ndinofanirwa kuramba ndichishanda nesimba,” anodaro.

Anoti iye zvino ari kufanirwa kuramba achishanda nesimba.

“Hazvizivikanwe kuti achange ari panyanga ndiani, chandinofanirwa kuita chete kushanda nesimba kuti ndisarudzwe. Mutambi unogona kutamba mitambo yekurwira kuenda kumakwishu aya asi wozobatiswa pasi pachikwata chinosarudzwa kuenda kunokwikwidza. Saka ndiri kufanirwa kuramba ndichishanda nesimba kuti ndishevedzwe ndigoenda kumutambo uyu,” anodaro.

Mutambi uyu – uyo ave nemakore akawanda achigara kuSouth Africa uko atambira zvikwata zvinosanganisira SuperSport United nePolokwane City – anoti hupenyu kunyika iyi hwakamunakira.  Anoti kuSouth Africa kungori kubasa chete kwaari kushanda kuti awane hupenyu hwakanaka sezvo hapana imwe nyika inodarika Zimbabwe.

“Hongu kuSouth Africa tinoenda, kubasa uye tiri kugara hupenyu hwakanaka asi chokwadi ndangariro dzedu dzinogara dziri kumusha kwedu kwatakabva.

“Zvakakosha kuti tiende kunyika dzakaita seSouth Africa kunoshanda ikoko uye zvese zvatinenge tashanda todzoka kuzosimudzira hama dzedu muno,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links