Ndiri kufinhura, rega ndifinhure

18 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa

NDAKANZWA Gafa richiimba richiti:

Usandibvunze, ndiri kufinhura

Saka finhu finhu

Pano finhu finhu

Finhu finhu

Ndiri kufinhura

Rega ndifinhure

 

Chimbo cheGafa chakandifungisa Leonard Zhakata paakaimba kuti, “Nyika ndini newe nezvakatikomberedza.”

Ichokwadi, “Ndiripo nekuti iwe uripo.” Hakuna nyika yemunhu mumwechete, uye kugara hunzwana. Hwani ari ega anowanikwa pakushevedzera kombi, asi kana apinda mukombi, anenge ave nevamwe.

Saka kana ukandifinhura, iniwo ndobva ndakufinhura nekuti hapana asingagone kufinhura. Chinobuda ipapo chii?

Ndikakubvisa ziso, iwe wondibvisawo rangu, tese tinosara tave mapofu?

Kana munhu achiti, “Usandibvunze, ndiri kufinhura,” ari kuti kudii? Ko kana tikarega kukubvunza handiti mhedzisiro yacho kutenga mbereko yekuberekesa imbwa yako?

Hapana chinhu chakanaka pakufinha kana kufinhura. Kufinha zvinoreva kusvota, kukanganisa, kana kumisa mwoyo zvekuda kurutsisa. Kufinha zvinoreva kuneteswa nekubhowewa zvekupedzisira nekuda kwechimwe chinhu.

Munhu anogona kuita hunhu hunofinha asingazive, asi kufinhura kwekuita uchiziva kwakafanana nekuroya.

Kufinha hakuyemurike asi kune vave kuita kuti kuite sechinhu chakanaka uye chinoshamisira. Kwavari, chifinhu kana kuti kufinhura chave chinhu chinopururudzirwa nekudadisa.

Chifinhu chinoitwa nevanhu vanozvida, uye vachipururudzirwa nevamwe vanofunga kuti kuzvida ikoko kunoshamisira.

Duramazwi reChiShona rinoti kufinha kuneta kana kuneteswa. Ndiko kwamave kuti kudhinhiwa, kufembwa kana kupedzwa power.

Unogona kufinhwa nezvekudya zvakafanana mazuva ese.

Asiwo kufinha kunoreva kushora kana kunyadzisa munhu nekumuratidza kuti haana kukosha. Semuenzaniso, munhu anogona kusekera kufinha, kana kupa munhu chinhu chakashoreka panzvimbo yekumupa chakanaka.

Mumwe mukomana wechidiki akanditi, “Mudhara kuita zvinhu pachifunhu kunoreva zviito zvemunhu zvinongobhowa soo, uye munhu wacho achizviita achida uye achiziva kuti zvinobhowa.”

Mumwewo musikana akanditi, “Kana tichiita zvinhu pachifinhu tinenge tichisvotesa. Kuda kungobhowa munhu soo.”

Saka chifunhu kana kufinhura chave chinhu chinotopfekwa sehembe kana kuzorwa semafuta kana seperfume. Kufinhura kuita zvinhu pachifinhu-finhu so!

Saka chakanaka chii pakuita zvinhu pachifinhu-finhu, kana uchiziva kuti unogona kuita zviri nani kudarika zvauri kuita? Kana une chipo chekutamba bhora zvinogona kukusvitsa kuEnglish Premier League, asi iwe wotamba pachifinhu-finhu, wawafinhura ndiani, uye arasikirwa ndiani?

Ndiri kuzvinzwisisa kuti chifinhu inotori class yevamwe, asi ndiri kuti ko kuita zvakanaka kwakaipei?

Ndine dambudziko nekushaya hany’a kwave muvanhu mazuva ano. Kungave kuchikoro, kubasa, kumba, muhukama hwedu, tichidhiraivha mota dzedu, tiri mumhuri dzedu nezvimwe zvakawanda. Ndiko kuzadzisa zvinonzi neGafa, “Usandibvunze, ndiri kufinhura. Saka finhu, finhu. Pano finhu, finhu. Finhu, finhu. Ndiri kufinhura. Rega ndifinhure.”

Kune tsika nehunhu zvinopesana nezvinozivikanwa nekugashirwa nevazhinji.

Mukugara kwedu kubva kare, taive nevanhu vainetsa – vanhu vanofinhura asi chandinoziva ndechekuti vakanga vasingaite zvavaiita vachitoti, “Ndiri kufinhura” kana kuti ndichamboita pachifinhu-finhu.

Zvanhasi zvave nekuronga kutofinhura, asi chinoitika ndechekuti kuora kwehove kunotangira mumusoro.

Kufinha kana kuita pachifinhu-finhu hakubhadhare. Nyangwe ukanzi uri shasha yekunetsa, chinobhururuka chinomhara, uye chisingaperi chinoshura.

Isaya muBhaibheri anoti, “Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.”

Dzimwe nziyo dzedu hadzivake asi dziri kudyara huny’any’a. Kufinhura kunonhuhwa, uye kana uchida kufinhura zvifunhure iwe pachako.

Share This:

Sponsored Links