Ndiri kungwavha-ngwavha: Kapfupi

19 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Ndiri kungwavha-ngwavha: Kapfupi Manjalima

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SHASHA yemadhirama uyo anove zvakare muimbi ane mukurumbira, Freddy “Kapfupi” Manjalima anoti haasati apera uye ari kurarama neku”ngwavha-ngavha”.

Kunze kwekuimba nekuita madhirama, Kapfupi anosona hembe nekutyaira magonyeti.
Anoti pari zvino ari mushishi yekuunganidza midziyo yekuridzisa mimhanzi nekuti kushaikwa kwayo kuri kumudzosera kumashure.

“Kuimba kunoda uine zvakakwana zvakaita semagitare, madhiramu, makeyboards nezvimwe zvakawanda izvo ndiri kuedza kuunganidza sezvamuri kuona izvi. Ndinoziva munyika yedu mune vanhu vane rudo nekudaro ndinotarisira kuti vacharamba vachindibatsira sezvakaitwa kare nevakawanda,” anodaro Kapfupi.

Muimbi uyu, uyo anoimba nemudzimai wake, Precious “Mai Ngaa” Kabrito, anoti pari zvino haana zvitsva zviripo mudura rake remimhanzi.

“Handina zvandinazvo, izvozvi ndiri kutorongedzera asi chikuru mhuri yangu iri kurarama. Ndiri kungwavha-ngwavha, indasitiri yekuimba iyi ndagara nayo kubva 2001 kusvika izvozvi. Haidi dzungu, ndaneta nayo.”

Kapfupi anoti haana kupera sezvo achiti svondo rakapera akanoridza kune rimwe bhawa kuChiredzi uko akasimudza chaunga.

“Ndiri munhu ane mhuri yake, ndinotenda nekurumbidza mudzimai wangu nekubata neni mubasa rose.
“Ndinotsigirwa nevamwe vaimbi vakaita saAleck Macheso. Pavana vangu vandichasiira nhaka, zvinobva mupfungwa dzemwana kwete kuti ndinosarudza ini,” anodaro.

Kapfupi anoti kunze kwekuimba nekuita madhirama, inyanzvi munyaya dzekusona nhumbi izvo ari kuita pari zvino.
“Panguva isiri yekuimba, ndinosona mbatya dzakanaka, ndiri tailor uyewo ndiri mutyairi mukuru wemagonyeti, ndine Class 2.”

Anoti anogutsikana nekufadza vanhu uko akaita kubva kare nemimhanzi yake pamwe nemadhirama.
“Basa ndabata vakomana, changu ndangomirira kufa. Handisi kurwara asi munhu wose anofa saka ndinomirirawo chijana changu chekufa sezvakaitwa nevamwe vakaenda kunaMwari,” anodaro Kapfupi.

Muimbi uyu, uyo airatidza kuti aive akadhakwa paaiitwa hurukuro naye, anoramba kuti anotora mutoriro nezvimwe zvinodhaka, sekutaurwa kwazvinoitwa nevaanogara navo kuEpworth.

“Mutoriro handitore kana tumbwa tuye twunoita kuti vanhu vahukure. Ndinonwa rakavhenekwa rinonwiwa nevamwe, vanhu vanotaura zvose-zvose. Vakamboti Mai Ngaa ndavatorerwa neimwe shoroma uko kwaiva kunyepa, handiti mavaona pano?

“Taurai kwamaswera saka ndichikutizai vatori venhau,” anodaro.
Kapfupi anoti imba yake yekuEpworth yakatarisana nekupunzwa sezvo ichinzi yakanangana nepanoda kuiswa mugwagwa.

“Murombo haarove chine nguwo, kanzuru yedu kuno yakaunza magwaro anoratidza kuti imba yangu yakanangana nepanofanirwa kuuya nemugwagwa saka inoda kupazwa ndovaka pamwe apo ndakatotanga kuvaka imwe padivi. Tinotevedzera mitemo sezviri kuitwa izvi,” anodaro Kapfupi.

Share This:

Sponsored Links