Ndiri kurwadziwa: Mangwiro

09 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
Ndiri kurwadziwa: Mangwiro Taurai Mangwiro

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu cheHarare City – Taurai Mangwiro – anoti ari kurwadziwa zvikuru zvichitevera kuburitswa kwakaitwa chikwata chake muPremier Soccer League svondo radarika umo change chave nemwaka 10 chichikwikwidza.

Mwaka unotevera, maSunshine City Boys achange achitambira nhabvu yavo muDivision One.

Mumakore aMangwiro achirairidza nhabvu, aka ndekekutanga kutungamirira chikwata chinoburitswa muPSL.

Achitaura panhepfenyuro yeStar FM, Mangwiro anoti ari kurwadziwa kuti ave nenhoroondo iyi iyo asina kumbobvira atarisira kuti achaiita semurairidzi wenhabvi.

“Zvinhu zvinorwadza, zvandisina kumbobvira ndatarisira kuti ndichasangana nazvo mumakore 16 ndichirairidza nhabvu.

“Asi ndiyo nhabvu yacho,” anodaro Mangwiro.

Kuburitswa kweHarare City muPSL kunotevera kuita mangange kwakaita ZPC Kariba neHighlanders 1-1 nemusi weSvondo wadarika.

MaSunshine City Boys akabva atevera Tenax neWhawha izvo zvakaburitswa zvekare muPSL zvichidzokera kuDivision One.

Svondo rino, ndipo pachaonekwa chikwata chechina chichatevera zvikwata izvi kuenda kuDivision One.

Zvakadaro, mwaka wenhabvu wa2022 uri kupera svondo rino apo Dynamos FC ichisangana neCAPS United mumutambo weHarare Derby kuNational Sports Stadium.

Shasha dzePSL dza2022, FC Platinum dzichange dziri pamusha kuMandava Stadium uko dzichasangana neCranborne Bullets nemusi weMugovera.

Kuchiti Harare City ichatamba neHighlanders mumutambo wayo wekupedzisira muPSL.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>