Ndiri kushaya wekuroora

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

MAZUVA ano kunonoka kuroora kana kunonoka kuroorwa hazvireve kusarongeka. Pane zvinhu zvizhinji zviri kuitika munyika yedu yeZimbabwe zvausiri kuona. Ndakanzi nemumwe mukomana wechidiki, “Mudhara, kutaura chokwadi ndiri kuda kuroora nekuti nguva yekuti ndiroore yatodarika.”

Ichokwadi chaaindiudza mukomana uyu, nekuti kana ukamutarisa unoona kuti dai ari muchero, angadai akaibva kare-kare akatodonhera pasi, akatoora. Asi chiri kumunetsa chii?

Akanditi, “Chiri kunetsa ndechekuti ndiri kushaya musikana wekuroora. Vasikana vave kutyisa, havasisiri vasikana vamaiziva kare vainonoka kukuda, vaitora nguva yavo kuti muzivane uye vachitya vakomana.”

Mumwewo mukomana ane basa rake rakanaka kwazvo kubhengi, asi ave kutosakara nekutsvaga musikana wekuroora akanditi: “Mukoma chiri kunetsa kupedzerwa nguva nezvigure zvevasikana zvakapfeka mamask. Iwe unenge uchiti wawana munhu, asi unozoshamisika kuti munhu uyu musikana here kana kuti ipfambi?”

Munin’ina uyu akandiudza kuti akaramba musikana wake waakanga achifunga kuti “munhu” nekuti musikana uyu akanga achigara achimukumbira mari, asi kana akamuudza kuti ave kuda zvekuroora, musikana obva aramba kuroorwa.

Ko musikana airambirei kuroorwa? “Aingoti, handisati ndave kuda zvekuroorwa.” Chave kunetsa ndechekuti, mukomana uyu akazowana mumwe musikana ari kuda zvekuroorwa. Iko zvino musikana uye wekusada kuroorwa ave kunetsa hama dzemukomana kuti dzitaure naye kuti iko zvino ave kuda kuroorwa.

Nemhaka yei? Nekuti paita mumwe angangoenda nebhengi rake. Saka isu tinenge tave kubvunza kuti, wave kuda kuroorwa nekuti uri kuda mukomana pamwe chete nekuve amai vemba here, kana kuti wave kuita maths dzerudo?

Ichokwadi kuti munhu haamanikidzwe kuita zvaasingade, saka kana wati hausi kuda kuroorwa, chisiya ari kuda zvekuroora apfuurire mberi neupenyu hwake nemusikana ari kuda zvekuroorwa.

Mumwewo muverengi weKwayedza akandinyorera achiti:

“Ndinoti kusimba kwamuri baba. Nyaya yamakanyora muKwayedza svondo rino dai iri mbama ndaiti muri gamba chairo nekuti musikana wandainge ndavimbisana naye kupinda musvitsa kana makombi ekuChitungwiza angangosara pasi paspeed. Ini wacho ndave kutya kubheuka mukombi yerudo rwespeed urwu. Kana shungu dzekumuda dzakatopera nehunhu hwemashoko ake. Imi sanyanduri potai muchipa chenjedzo kuti vakomana vasakurumidza kutorwa mwoyo munyika yazara tsikanyoka dzevasikana. Murambe makadaro. Tinotenda zvikuru uye Mwari wekumusoro-soro aropafadze dzidziso dzenyu.”

Chandinokuudzai vakomana ndechekuti, nyaya yekushaya vanhu vane hunhu haisi yenyu chete. Varikowo vasikana vane hunhu hwakabatana setsangadzi uye hunonhuhwirira kunge sadza remhunga, asi vari kushayawo vakomana vakavimbika. Nyaya yanetsa mazuva ano ndeyekuti kwekuwana mazano pamusoro penyaya dzerudo kwawandisa.

Vamwe vasikana vanofunga kuti rudo rwavanoona mumafirimu ekuNigeria nemumasoap opera rwunoshanda muupenyu chaihwo. Vamwewo vakomana vari kupanana pfungwa dzakaora nevasikana vavo pamafoni vachitumirana zvinonyadzisa nekutyisa.

Kana ukagara waratidza mukomana wauri kuda kuti azokuroora muviri wako nezvese zvawakaita mukati, achatokuona kuti wakachipa kunge masokisi emubhero anoita dhora ari maviri.

Nemi vakomana musade kuti vasikana vakuratidzei rudo nekubvuma kurara nemi.

Ngavakuratidzei rudo nekubvuma kuenda kuNew Start Centre musati mazodya nyama yembwa muchiti ndeye mombe. Imiwo vasikana musafunge kuti vakomana vanokumbira bonde vasati varoora vanhu kwavo.

Munodyiwa mese munonaka, mukasara mave kusemwa nenhunzi dzese.

Vasikana munogona kusara masakara nekushandiswa, nekupihwa nhumbu, nekusekwa kunzi uri pfambi, nekupihwa chirwere. Bonde hurongwa hwaMwari hwevanhu vakaroorana, kwete newese-wese pese-pese.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey