Ndiri mupenyu: Charles Mabika

06 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Ndiri mupenyu: Charles Mabika Charles Mabika

Kwayedza

Abel Ndooka

MUSHAMARARI wenhabvu ane mukurumbira – Charles “CNN” Mabika – anoti ari kukatyamadzwa nevanhu vari kutenderedza mashoko ekuti ashaya.

Nhasi padandemutande reSocial Media pange pachitenderera mashoko ekuti Mabika ashaya.

Kwayedza yamufonera ikataura naye apo azivisa kuti aya mashoko enhema ari kutenderedzwa nevanhu vari kushamisika nekuhwina kwakaita chikwata chaanotsigira cheMiddlesbrough chekuEngland icho chakakunda Sunderland 1-0 nemusi weMuvhuro.

“Musatye, musaterere vanhu vari kutenderedza mashoko enhema ekuti ndafa, ndichiri mupenyu uye ndichiri kufema.

“Vamwe vanhu vari kurwadziwa kuti chikwata changu cheMiddlesbrough chakahwina nezuro manheru saka ndizvo zvavatuma kutanga kutenderedza mashoko aya.

“Ndanzwa nekufonerwa nevanhu vachida kuziva kuti ichokwadi here kuti ndafa,” anodaro Mabika.

Share This:

Sponsored Links