Uncategorized

Ndiri wema‘spiritual wives’

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Ndiri wema‘spiritual wives’ Prosper Bhauwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wemubhuku rekwaChoto, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa — uyo pari zvino ari kugara papurazi reRuwari, kuMarondera — anoti asvika pakufinhurwa nekudanana nevakadzi vaasingazive, avo vanongouya kwaari asina kuzvitarisira, voita zvavanoda naye vasati vatsakatika.

Vamwe vevari kuziva nezviri kuitika kumurume uyu vanoti ari kudanana nema‘‘spiritual wives”, zvidhoma kana kuti akapihwa kungozi asingazive.

Prosper Bhauwa (31) anoti akatanga achiita zvekurota apo zvakazosanduka madzimai aya ave kuuya kwaari akasvinura.

“Dambudziko rangu rakatanga ndiri mudiki zvikuru ndichirota ndichidanana nevakadzi vanodarika vaviri. Zviso zvevakadzi ava ndinozviona asi handivazive kuti ndivanani. Izvozvi vave kuuya kwandiri ndakasvinura, kunyangwe masikati vachiita zvavanoda neni asi wekuzvitaurira handina. Ndokusaka ndati ndiudze imi veKwayedza,” anodaro.

Bhauwa anoti vakadzi ava havana chavanotaura naye kunze kwekumukumura mbatya.

“Chinondinetsa kupinda kwavo mumba handikuone, ndinozongoona vave mumba. Kana kubuda kwavo hakuonekwe.

“Vakadzi ava vanoti mumwe mutema ari mupfupi uye mukobvu koita rimwe zigobvu rakareba zvikuru, dzvuku. Vanouya vakapfeka mbatya dzakasiyana, asi vasina zvipfeko zvemukati,” anodaro Bhauwa.

Kuburikidza nedambudziko iri, murume uyu anoti haakwanise kuroora nekuti vasikana vaanodanana navo vanomuramba pasina mazuva vachiti vanenge vave kuteverwa nevakadzi ava, vachitovaona.

“Handina musikana wandinopedza naye svondo tichidanana, tinenge tarambana kare.

‘‘Kana ndikangodanana nemusikana, vakadzi ava vanomuteveredza vachitaura naye kuti asiyane neni, ‘murume wedu, ukaramba uchiita zvauri kuita uchafa’,” anodaro Bhauwa.

Murume uyu anoti ave kugara achingorwadziwa nemusana nemudumbu zvakanyanya.

“Ndakatiza kumusha kwaMurehwa nekuda kwenyaya iyi sezvo zvichinzi zviri kukonzereswa nehama dzangu dzakandipa kungozi kana kuti kuchikwambo. Kwandinofamba zvinonzi handitombofanirwa kuroora kana kuita musikana sezvo zvivakadzi izvi zviine shanje neni kuti ndidanane nevamwe vakadzi,” anodaro Bhauwa.

Anoti anogara achisanganidzana nenyoka hombe kwaanofamba kana mumba yake yekurara.

“Maziso angu anogara achirwadza, dzimwe nguva ndinoguma ndave kutadza kuona zvakanaka. Zvinhu izvi zvinondipa munyama zvekuti handikwanise kupinda basa zvakanaka uye ndinogara ndichipomerwa zvinhu zvandisina kuita,” anodaro.

Bhauwa anoti anogona kumuka mangwanani magumbeze nemapiro ake zvakazara ropa.

Anotizve vabereki vake vose vakashaika uye ave kugara naamainini munin’ina waamai vake avo vaanoti havazive nezvedambudziko rake sezvo achizeza kuvaudza nezvazvo.

“Hama dzangu hapana ati oziva kuti ndakatarisana nedambudziko guru rakadai, ndinotyawo kuti dzimwe hama dzangu dzinonzi ndidzo dzinokonzera zviri kuitika kwandiri.”

Vopa maonero avo panyaya iyi, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti Bhauwa akagadzikwa mweya wakaipa unomuita kuti adanane nevakadzi verima — “spiritual wives”.

“Murume uyu kana asina kubatsirwa haaroore kana kuita musikana chaiko, inonzi tsandukwa yaakaiswa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Bond Bonservia Gumira (32) vachiti Bhauwa akagadzikwa mweya wengozi kana kuti zvikwambo zvinotsvaga mari zvichimushandisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey