Ndiro yakazara nyama nemuto wembwa

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
UNOITA kunge munhu ari kurota zvinotyisa. Unoona uchiita sekuti wanga uri mubhazi, asi panzvimbo yekuti mubhazi umu munge muine vanhu, imbwa ndidzo dzanga dzakagara pazvigaro sevanhu.

Newewo wanga wakagara neimwe imbwa hadzi, yanga ichipota ichikunanzva. Imbwa dzemubhazi umu dzanga dzichishereketa. Dzimwe dzanga dzichifunhidza-funhidza zvisingapere, uye dzichidya nekutsenga zvehuchapa dzichiridza mukanwa.

Dzimwe dzanga dzichirumana, dzimwe dzichipopotedzana. Dzanga dzirimowo dzanga dzichida kuita bonde mubhazi imomo dzisingambonyara. Iwe ndiwe wega munhu anga ari mubhazi iri.

Wafara zvikuru pawasvika pachiteshi chako, uchibva waburuka uchisiya zhowezhowe nekunhuhwa kwembwa mubhazi.

Waburuka nekuti wasvika here kana kuti wazozviona kuti wakwira bhazi risiri iro?

Chausiri kuziva ndechekuti watove imbwa yemunhu nekuti chakupa kuti upinde mubhazi rembwa iwe uri munhu ndihwo humbwa.

Nyaya yebhazi rembwa iyi iri kutaura ipo chaipo pasvika murume wekuMhondoro wekubatwa achiita bonde nemuroora wake, mukadzi wemwanakomana wake. Sabhuku, kana makaita bonde nemuroora chamakahwinha mubonde rehumbwa iri chii?

Iko zvino maburuka pachiteshi, muroora aenda, asi imi muri kufanira kutungamira vanhu sasabhuku. Muchatambirwa naani?

Bonde rekuba nekubiridzira rakafanana nekudyira sadza muBlair Toilet mune nhunzi, kunhuhwa nehonye. Chinonetsa mumagariro edu sevanhu ndechekuti tinomhanyira kunotaura kuti muroora akazonwa muchetura akafa mushure mekunge awanikwa achipa atezvara bonde. Asi chokwadi chiripo ndechekuti atezvara ava inhubu nemharadzi.

Muroora ane mhosva, asi atezvara sababa vaisafanira kutadza kunyara mwana wavo, mukadzi wavo nemusha wavanotungamirira sasabhuku. Nyangwe zvikanzi muroora ane maminimini aakaitira vatezvara, baba vaisafanira kukwira bhazi rembwa. Miyedzo iriko, asi munhu wese akapihwa pfungwa dzekusarudza naMwari.

Dai taingoti mikana yese yehumbwa inenge yauya kwatiri tohukura, nyika ino hayaisiyana nenhunzi dziri pachitunha chakaora. Muyedzo wehupombwe hauuye uchimhanya. Unofamba zvekunyatsokupa nguva yekuti urohwe nehana, kuti ufunge zvinozoitika kana ukange wabvuma kuita imbwa.

Shoko raMwari rinoti tizviise pasi paMwari, uye tidzivise dhiabhori. Kana tamudzivisa achatiza kubva kwatiri. Asi nhamo yedu ndeyekuti panzvimbo yekuzviisa pasi paMwari, tiri kuzviisa pasi pemwoyo yedu inobanhira tenzi kumadziro.

Sabhuku vanotonga vanhu, ivo vachitongwa naMwari. Mutungamiri wese anofanira kuteerera Mwari nekuziva kuti kuitwa mutungamiri kuitwa muchengeti wemhuri, wehupenyu, wetsika nezvakanaka. Mutungamiri haasekerere mimba yembwa seinokamwa mukaka.

Sabhuku vekudanana nemuroora vanongoratidza kuti humwe hukuru hahudi kungopihwa munhu asina kutariswa kuti akakodzera here. Vana vemurume uyu vakataura kuti murume uyu akakurira kwana sekuru kwaakazodzingwa nenyaya imwechete yekubvisisa vanhukadzi mabhurugwa.

Iwo masabhuku anosarudzwa pachishandiswa chiiko?  Mutungamiri asina njere haasi mutungamiri. Pane mutsauko pakati peruzivo nenjere. Haasi mutungamiri ane ruzivo, asi ane njere saSolomon muBhaibheri anotungamirira vanhu zvakanaka.

Bhaibheri rinoti huchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumugwagwa, huchiti: “Kusvikira rinhiko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko mapenzi achivenga zivo?”

Dambudziko riri pakuita zvisingabvumirwe sezvakaita sabhuku ava harisi kubatwa vachiita hupombwe kana kufa kwakazoita muroora. Dambudziko riri pakuti hukuru kana hwahukura sembwa, nevadiki vachati kuhukura ndiwo maitiro atinofanirawo kutevedzera.

Mwari vanoti munhu wese anokwanisa kutiza kana kuramba kumbundirwa nemawoko emuyedzo, asi kubuda mukutadza kwakaoma kana tagamuchira ndiro yakazara nyama yemuyedzo.

Share This:

Sponsored Links