Uncategorized

‘Ndisiye ndidanane nemurume wako’

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Ndisiye ndidanane nemurume wako’

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUKADZI wekuSouthlea Park, muHarare, akaendesa mudzimai wemurume waari kudanana naye kudare achiti ari kumufurufusha achimutadzisa kusasana nechikomba chake.

Loveness Tapfuma akamhan’arira Yvonne Mushanga kuHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.

Tapfuma anoti anoda nguva yekusasana nechikomba chake asingakanganiswe nemudzimai wacho.

“Pamusoroi vadare, mudzimai uyu anondikanganisa kudanana nechikomba changu. Hongu, mudzimai wemurume wandinofambidzana naye asi ngaandiremekedze nekuti nditoriwo mukadzi wechipiri.

“Vakambouya kumba kwangu vakandibira mapoto nemapureti angu ndakazoudzwa nemudzimai wandinogara naye kuti amai ava vakapinda mumba mangu vakaba. Ndakavaman’arira kumapurisa asi murume akatonditi varegererewo nekuti havana kunyatsa kukwana,” anodaro.

Tapfuma anoenderera mberi achiti, “Vanotuma vanhu kuti vandirwise nekunditsvaga izvo zvinondishaisa zororo. Ndakatosvika pakutama pamba pandaigara nekuti vari kundionesa ndondo.”

Mushanga anoudza dare kuti Tapfuma anoreva nhema uye iye haasi munhu anoda zvemhirizhonga nevanhu.

“Zvose zvataurwa nemukadzi uyu ndezvenhema. Ari kungoda kushandisa ngwaro rerunyararo kuti ndimusiye achiita hupombwe nemurume wangu.

“Iye anozviti anodanana nemurume wangu asi murume anoti haazvizive, akangomutorawo mubhawa achingoda kushereketa naye zvehusiku ihwohwo asi munhu ave kutomunetsa,” anodaro

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaTapfuma achiti haana kupa humboo hunogutsa dare hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naMushanga.

Share This:

Sponsored Links