‘Ndiwe wakandizadza AIDS’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘Ndiwe  wakandizadza AIDS’

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI wemuHarare anoti akagurwa kunorira nemurume wake uyo anonzi akatora mumwe mukadzi akamutapurira utachiona hweHIV zvikazoita kuti iyewo amuzadze.

Ruth Mungaze akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekumhan’arira murume wake, Moses Tarone, achida gwaro redziviriro.

Mungaze anoti murume wake anogara achimushungurudza zvisinei nekuti akamutapurira utachiona hweHIV.

Mutongi Gwatidzo akapa Mungaze gwaro rinomudzvirira.

“Uyu murume wangu wandiri kutogara naye, asi akandiitira zvinondirwadza.

Ndakarwara ndikaenda kuBulawayo kwasisi vangu kunorapwa. Baba ava vakabva vatora mumwe mukadzi wavaigara naye kumba kwedu,” anodaro Mungaze.

Anoti zvakare mudzimai wechipiri wemurume wake akamubira zvimwe zvinhu zvake.

“Iye mudzimai wake akatora gumbeze, mabhurukwa angu matatu, bhavha nemapoto.

Pamusoro pezvo, mukadzi uyu ndiye akamuzadza njovera neAIDS iye ndokuzondizadzawo. Ndinoda kungoziva kuti ndiani iyeye?

“Ndikavabvunza nezvazvo vanobva vatuka ini nevana. Ndiri kungoda kugara murunyararo,” anodaro.

Tarone anoti haana mumwe mudzimai sezviri kutaurwa naMungaze.

“Handina mumwe mukadzi ini, handivashungurudze ava. Tosona tese asi ivo havadi kutsiurwa masonero avo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links