‘Ndiwe wakandizadza HIV’

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Ndiwe wakandizadza HIV’

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MURUME wekudanana nemukadzi anove muvakidzani wake asi ndokuzorambana ava kuzvidemba achiti akamutapurira utachiona hweHIV achiziva, nekudaro ari kupedzera shungu dzake pakugara achitukirira mudzimai uyu.

James Munjeri akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekumhan’arirwa neaimbove shamwarikadzi yake, Angela Gadzikwa, achiti ari kumuonesa ndondo.

Gadzikwa anoti ashaiswa rugare nekugara achitukirirwa naMunjeri.

“Anogara achinditukirira pamberi pevanhu nevavakidzani uyezve iyewo muvakidzani wangu, anotukirira kunyangwe hama dzangu,” anodaro.

Gadzikwa anoti Munjeri akatanga kupopota anopedza husiku hwose achitukidzira nezvinyadzi.

“Anonditukirira husiku hwose zvekuti ndinotoshaya hope uyezve dzimwe nguva anonditukira pamberi pevana achitaura mashoko anonyadzisira,” anodaro.

Gadzikwa anotiwo Munjeri anotukirira kunyangwe neshamwari dzake dzechirume idzo dzinomubvakachira.

“Baba ava vanouya kuzotuka maboyfriends angu pamba pangu,” anodaro.

Munjeri anoudza dare kuti anotuka Gadzikwa nekuda kwekuti akamutapurira utachiona hweHIV achiziva.

“Mambo wangu, mukadzi uyu akandiitira hutsinye pandakadanana naye. Haana kundiudza kuti ane HIV iyo akandizadza. Ndakazozviziva taenda kunoongororwa kuchipatara izvo zvinogara zvichindirwadza zvichiita kuti ndigare ndichimutuka nekuti aifanira kundiudza patakadanana,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Gadzikwa gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>