Ndiwe wapedza hama

12 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Ndiwe wapedza hama

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
MUKUKURA kwedu tiri kumaruwa, tainzwa kuti kune varoyi. Asi taiudzwazve kuti varoyi vane nzara refu-refu, uyezve vanodya nyama yevanhu.

Chokwadi chazvo dare rino harisati rave neruzivo nazvo. Asi chokwadi chakabatwa mutsvakurudzo yedare rino ndechekuti muroyi zimweya rinogara pamunhu. Zimweya iri rakaipa, rine godo, rine chindingoveni, rine hutsinye, rinorwadzisa vamwe kunyangoitirwa zvakanaka sei, harina hanya nevanhu.

Zimweya rinongoti dai zvinhu zvose zviri zvaro, dai nyika yose iri purazi raro, vanhu vose vari mairi vachirishandira risingavabhadhare uye vari nhapwa dzaro. Dai mhuri yaro iriyo yoga inodya ruomba, nyama vachirasa vamwe vachifura sora semombe. Dai iro roga richiwana zvose zvarinoda, vanhu vose vachishaya zvose zvingavararamise.

Tsvagurudzo iyi inotizve huroyi hunosiyana nenzvimbo yatigere, yatinoshanda, vanhu vatinobata navo, kana kwatinobva (contextual).

Asi pane zvinhu zvinofanana zvinoratidza kuroya.  Muroyi munhu ane zimweya rakaipa maari. Zimweya iri ndere hutsinye, godo neshanje. Anoti zvose zvakanaka zvinofanira kunge zviri zvake, zvose zvine pundutso asi zviine vamwe, zvinofanira kuve zvakezve.

Kana akazvishaya asi mumwe ainazvo, anogona kuzvitora nechisimba kana kuzviparadza neshaisano. Kana atadza kutora nesimba kana kuzviparadza, muroyi anoparadza iwe muzvinazvinhu wacho nokuti uri kumukanganisa kuwana. Pfuma yako anoda kuiparadza nokuti anofunga kuti uri kumudadira.

Pakagara dare rino nguva yapfuura, takawirirana kuti pfuma haisi mari chete, mombe, motokari kana zviwanikwa bedzi. Hukama, tsika nemagariro akanakawo ipfuma huru chaizvo mumusha, mukambani kana munyika chaimo. Muroyi anokuswededza padyo naye kana achida kukushandisa, ozokurasa kana apedza newe zvaari kuda kuti umuitire zvaita.

Varoyi vanozivana hunhu hwavo kana vangosangana zuva rekutanga chairo nokuti hunhu hwavo hunonhuwirana. Vanoziva pekusangana manheru kuine rima vachikurukurirana zvavangaite kudonhedza musha, kambani, dunhu kana nyika chaiyo. Muroyi nerima hazvisiyane. Murima ndimo munorongwa nevaroyi dhende rose rekuparadza.

Tsvagurudzo yedare rino inotizve kana muroyi achida kudhonzera mumwe munhu wemumusha kuti vabatane kuita zvehuroyi, anomupa nyemba kuti adyare kana dai kusina mvura mwaka iwoyo. Nyemba ikamera muroyi anoti uyu ndewake.

Asi ikaramba kumera anotanga kumuvenga kana dai ari muroora pamusha. Ndizvowo mudunhu rasabhuku kana mukambani. Mukambani, unopihwa kabasa kakaipa, ukakagamuchira nekukaita zvinofadza mukuru wako, watova chikwambo chake, matova mese mukuroya kambani kana bazi rehurumende, nokuti muchaita zvakawanda zvinodonhedza kambani.

CHENJEDZO
Ngatitarisei vane hunhu hwekuroya tingwarire nekuudza vapingi kuti nerimwe zuva nyika yedu igosimukirawo. Muchinyakare VaShona vairoverera chipikiri mumusoro wemuroyi kana achinge apingwa. MaChaina vanopfuudza munhu anoroya kambani kana nyika. Munyika yedu yeZimbabwe hatisati tanyatsoona kuti vanonzi vanopinga varoyi, vanogona here. Chatinoziva ndechekuti vapingi vekare vanonzi vaitoroyawo.

 Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>