‘Ndoda kuenda Cameroon’

01 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
‘Ndoda kuenda Cameroon’ Talbert Shumba

Kwayedza

Abel Ndooka

Mubati wepagedhi wemaWarriors neNkana FC yekuZambia — Talbert Shumba — anoti akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kubudirira kwakaita chikwata chenyika ichi kuenda ku2021 Cameroon Africa Cup of Nations (Afcon) asi ndokuti achiri nebasa guru rekubata kuti agosarudzwa muchikwata chichaenda kumutambo uyu.

Murwendo rwekurwira kuenda kuAfcon, maWarriors aive muboka reGroup H nezvikwata zvinoti Algeria, Zambia neBotswana.

MaWarriors akapedza ari pechipiri kumashure kweAlgeria.

Muhurukuro neKwayedza, Shumba — uyo akatamba mitambo mitatu yekurwira kuenda kuAfcon — anoti haasi kugona nemufaro mukuru zvichitevera kubudirira kwavakaita sechikwata kuenda kuAfcon.
“Basa takabata zvinofadza uye zvinhu zvinodadisa kuwaniswa mukana wekunomirira nyika yako kumutambo mukuru wakaita seAfcon.

“Iye zvino pave nerwendo rwakakura kumberi nekuti ndave kufanirwa kushanda nesimba kuti ndigosarudzwa kupinda muchikwata chevatambi 23 vachaenda kumutambo uyu gore rinotevera.
“Saka ndinofanirwa kushanda nesimba,” anodaro Shumba.

Pari zvino Zimbabwe yakakomborerwa kuve nevabati vepagedhi vepamusoro vanosanganisira Martin Mapisa anotambira kuEurope naTatenda Mkuruva uyo anotambira kuUnited States of America.

Kune vamwe vabati vepagedhi zvakare vari kuSouth Africa vakaita saGeorge Chigova naElvis Chipezeze.
Shumba anoti pane basa guru raanofanira kubata kuitira kuti agosarudzwa pamberi pevatambi vazhinji vane tarenda vemuno.

“Iye zvino tine vabati vepagedhi vakawanda vane tarenda saka ini ndiri kutofanirwa kushanda nesimba kuitira kuti ndigosarudzwa kuenda kuCameroon,” anodaro Shumba.

Kubudirira kwakaita maWarriors kuenda kuAfcon kwabva kwaita kuti aka kave kechishanu achienda kumutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey