Ndofa ndisina mwana?

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MAKADINI Tete Chipangamazano? Ini ndiri murume ane makore 45 ekuberekwa uye handina kuroora.

Dambudziko rangu nderekuti nhengo yangu yesikarudzi yakakurisa.

Ndikawana musikana anondiramba nekuda kwaizvozvo. Nhengo iyi yakatanga kukurisa ndave nemakore 15 ekuberekwa, ndokushaya akandibatsira.

Chingava chii chakakonzeresa izvi? Kuti kuremara here?

Hama dzangu ndibatsireiwo, ndofa here ndisina kana mukadzi kana mwana zvake?

Rutendo Garwe,

Gokwe.

MHINDURO:

Ndine hurombo nedambudziko rako muzukuru. Asi nhaiwe muzukuru wakanonoka dambura mubvewe kani ukazokanganwa kudzoka kunogadzirisa kuti usarambe uchienderera mberi nekukukura. Zano randingakupa nderekuti enda kwachiremba vaongorore dambudziko rako. Enda kwachiremba unopihwa mazano. Usatya nekuti ukangowana rubatsiro unotokwanisa kuitawo vana nemudzimai wako.

Tete.

Share This:

Sponsored Links