NDS1: Dzimba 150 000 dzavakwa

26 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
NDS1: Dzimba 150 000 dzavakwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

DZIMBA dzinosvika 150 000 dzavakwa kusvika pari zvino pasi pechirongwa cheNational Development Strategy (NDS1) kuburikidza nemushandirapamwe weHurumende nevemabhizimisi akazvimirira.

Pasi peNDS1, iyo iri kuenderera mberi kubva 2021, vanhu 220 000 vari kutarisirwa kuvakirwa dzimba panosvika gore ra2025. Kuti Hurumende ibudirire pane izvi, yakabatana nemakambani akazvimirira pasi pechirongwa chePublic Private Partnerships (PPPs).

Gurukota rezvedzimba, Cde Daniel Garwe, vanoti kune zvimwe zvakadai sekuvakwa kwemidhuri, kugadziriswa kwemapombi anofambisa mvura nekufambiswa kwetsvina dzemuzvimbuzi nekuiswa kwemagetsi zvinokwanisa kuitwa nevemabhizimisi akazvimirira akabatana neHurumende.

Vachitaura pamusangano weConstruction Industry Federation of Zimbabwe (Cifoz) kuVictoria Falls vhiki rapera, Cde Garwe vanoti Hurumende iri kusimbaradza nyaya dzeupfumi hunotungamirirwa nevemabhizimisi akazvimirira achibatsira munyaya dzinosanganisira dzezvivakwa.

Cde Garwe

Kusvika musi wa13 Gunyana 2022, Cde Garwe vanoti dzimba 150 000 dzakapihwa vanhu munyika yose kumaruwa nekumadhorobha.

“President vagara vachikurudzira kushanda kwemakambani akazvimirira munyaya dzekusimudzira upfumi hwenyika uye zvakakosha mune zvezvivakwa. Izvi zvinobatsira kunyanya kuburikidza nekubatana kwemakambani akazvimirira neHurumende,” vanodaro.

“Vemakambani akazvimirira vane basa guru munyaya dzezvekuvakwa kwedzimba nekuronga kuti nzvimbo dzovakwa sei, kugadzira mamiriro anofanira kuita dzimba uye kuvandudza mavakirwo adzo,” vanodaro.

Cde Garwe vanoti kana paine pasiri kufamba zvakanaka munyaya dzekubatana mumabasa ezvivakwa aya, makambani akazvimirira akasununguka kuzivisa Hurumende nenzira dzakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey