Ndumiso Gumede ashaya

29 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Ndumiso Gumede ashaya

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE mutevedzeri wemutungamiri weZIFA – Ndumiso Gumede – ashaya.
Ange ave nemakore 76 okuberekwa.

Gumede, uyo ange ari mutungamiri wechikwata cheHighlanders, ashaya nhasi uye rufu rwake rwatsinhirwa nemutevedzeri wechikwata cheBosso, Modern Ngwenya.

“Ichokwadi Mudhara Gumede atisiya nhasi. Handisati ndave neruzivo rwakakwana kuti atisiya nguvai sezvo kutaura kuno nditori munzira kuenda kuBulawayo.

“Asi vatisiya, tasuwiswa zvikuru nekutisiya kwavaita mudhara vedu,” anodaro Ngwenya.

Rufu rwaGumede rwunotevera mazuva mashoma apo chikwata cheHighlnders chakabatana nevatsigiri vacho kuita mabiko ekupemberera basa guru raabata mukusimudzira nhabvu.

Zvakawanda zviri kutevera.

Share This:

Sponsored Links