Ndururani dzauraya chipembere

21 Nov, 2022 - 07:11 0 Views
Ndururani dzauraya chipembere Insp Nobert Muzondo

Kwayedza

Luthando Mapepa

NDURURANI dzevanhu vanovhima mhuka zvisiri pamutemo nguva pfupi yadarika vakauraya chipembere, ndokuchibvisa nyanga paChipinge Safari Camp iri kuChipinge.

Mutumbi wechipembere chitema ichi wakawanikwa wakawora usina nyanga.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuenderera mberi nekuferefetwa.

“Vanovhima zvisiri pamutemo vakapinda muChipinge Safari Camp vaine mhando yepfuti dzisati dzazivikanwa. Vakapfuurira kuenda kune imwe nzvimbo inonwirwa mvura nemhuka vachitevedza rwizi rwaChidimayi muSafari uko vakapfura ndokuuraya chipembere chitema.

“Nemusi wa12 Gumiguru, mupi wemashoko anova aifamba nevamwe vachengeti vemhuka anoti akazoona mutumbi wechipembere chitema uri chinhambwe chemamita 500 pedyo nerwizi Chidima,” vanodaro.

Insp Muzondo vanoti ongororo yakaitwa yakaratidza kuti chipembere ichi chakapfurwa apo chainwa mvura.

“Ropa rakaonekwa kubva panzvimbo inonwira mhuka mvura kusvika pakawanikwa mutumbi wechipembere ichi. Mutumbi uyu wakaongororwa zvikaonekwa kuti waive nemamaki (notches) nzeve dzese. Zvakaonekwawo kuti nhubu idzi dzakashandisa chinhu chakapinza chisingazivikanwe kubvisa nyanga yechipembere ichi,” vanodaro Insp Muzondo.

Tsvakiridzo yakaitwa, asi hapana mabara epfuti akaonekwa pedyo nepakaurairwa mhuka iyi.

“Ongororo yakaitwa nerubatsiro rweZimparks inoratidza kuti chipembere ichi chaiva nenotch nhamba 1481, yakatanga kunyorwa mugore ra2015,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey