Nederere sadza rinodzika

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Nederere sadza rinodzika

Kwayedza

USAVI hwederere rechipudzi kudya kwechivanhu kunovaka muviri, hakudi zvakawanda pakubika uye kunofarirwa nemazera ose — kana dai nevaya vasisina mazino.

Svondo rino Mbuya Sarudzai Baradze vekuZaka, kuMasvingo vanotsanangura mabikirwo ederere.

Zvinodiwa:

Derere rechipudzi, munyu, mhiripiri, soda, mvura, chikari kana poto.

Mabikiro:

Cheka-cheka derere kuita zvidimbu zvakafanira.

Chitora chikari kana poto yakachena wodira komichi imwe chete yemvura woisa pamoto.

Siya mvura ifashaire wozokanda soda. Kanda derere rawacheka-cheka muchikari.

Siya zvifashaire kwemanitsi gumi wozokanda munyu.

Pota uchikurunga-kurunga uye usasiye richitutumira pasi.

Kana richinge raibva, derere rinosara rakakora asi riine ruvara rwegreen.

Usasiye richisvika pakusanduka ruvara kuita brown, kana zvikadaro unenge watotadza kuribika.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura unakirwe uye unogona kuisa mhiripiri kana uchiifarira. Derere rinodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana remhunga. Vamwe vanongoita zvekurinwa rakadaro.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey