Nembeva, sadza rinotoita shoma

26 Oct, 2022 - 11:10 0 Views
Nembeva, sadza rinotoita shoma

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU

naMuchaneta Chimuka

USAVI hwembeva hunofarirwa nevanhu vakawanda uye svondo rino Mbuya Natai Mutema vekwaSeke vanorondedzera mamwe mabikirwo eusavi hunoshwaudza mukanwa uhu.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, munyu, mhiripiri, mvura, chipunu kana mugoti nebanga.

Mabikiro:

Tora mbeva dzinokwana mhuri yose wobvura pamoto uchipara nebanga kusvikira dzanyatsochena.

Tumbura wobvisa zvose zvemukati worasa.

Suka dzose nemvura inodziya kuti hutsi hupere wogadza chikari kana pani pamoto.

Isa mbeva dzose imomo nemvura makomichi maviri nemunyu unokwana.

Rega zvikwate kusvikira mvura yose yapera, wodzora huwandu hwemoto kuti dzinyatsooma zvakanaka.

Kana dzanyatsooma, raidza muswe wobura.

Kana dzanyatsoomeswa, uye dzikarungwa zvemandorokwati, unopedza mukonde wesadza nembeva imwe chete.

Usavi uhu munogona kudya nesadza rezviyo, rechibage kana remhunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links