NeSeed Co, murimi unokohwa

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
NeSeed Co, murimi unokohwa VaChavizha vari mumunda wavo wesugar beans yemhando yeSCBounty

Kwayedza

Godfree Magavu

KUNYANGE mwaka uchangopfuura  wa2019-2020 wange uine mvura shoma, tinokorokotedza varimi vose vakarima mbeu dzinouchikwa nekambani yavo yeSeed Co sezvo varimi vazhinji vari kupupura nemufaro mukuru kubudikidza negoho ravakawana pambeu dzavo idzo dzinoshinga pamwe nekutivirira zvakanyanya kuzuva kana dai dzikarimwa muminda isingadiridzirwe.  Tinogarozivisa varimi nguva dzose kuti vagadzire minda yavo zvakanaka uye nenguva (land preparation), vosarudza mbeu yakanaka inoenderana nedunhu ravo, vozodyara pamwe nekuriritira mbesa dzavo (management) nenguva uye nemwero kwawo kusvika pakudzikohwa kuti vasazorasikirwa negoho.  Chimwe chinoita kuti mbeu dzeSeed Co dzipe goho rinoendeka ndechekuti dzine gurinhwa dete, dzinoita mitsara mirefu inenge yakazara netsanga uye dzine tsanga hombe dzinenge dzakany’ura mumuguri (high shelling percentage).

Goho rinodakadza rakazadzisika pamunda pavaMunetsi Chavizha vekuWard 8, mudunhu reZaka, inova natural region 4 kuMasvingo.

VaChavizha vachifurura SC529

“Ini semurimi wekuZaka, ndinodada pamwe nekuvimba zvikuru nembeu dzeSeed Co dzandakarima mwaka uno dzinoti SC529, SC555 neSC649 panzvimbo isina madiridziro. Zvirimwa zvangu zvakapedzisira kuwana mvura panguva yazvaiburitsa revhu rekutanga, dzairatidza kurwadziwa munguva dzemasikati nokusvava asi kumanheru nemangwanani dzaiyevedza nokuratidza marevhu matsvuku.

“Ndinotarisira kuwana matani mashanu kusvika matanhatu pahekita mushure mekusangana nezuva range ririko. Ndinonyanyofarira mbeu idzi nokuti dzinozadza tsanga kusvika kumuromo uye dzinorema panova ndipo pane goho rangu. Kuti Seed Co ndokuti mbeu,” vanodaro vaChavizha. Vamwe vevarimi vanoti VaLuke Makonese naVaAnnanias Muzapu vekuWard 13, kwaChinorumba, vanorumbidzawo SC555 neSC529 idzo dzakarimwa naVaChavizha vachiti ndiro vhangeri ravachaparidza muminda yavo mwaka uno watakatarisa wekurima.

Godfree Magavu murimisi weSeed Co kudunhu reMasvingo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>