Nesuweji iyoyo, muMbare handibve: Seh Calaz

15 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
Nesuweji iyoyo, muMbare handibve: Seh Calaz Seh Calaz

Kwayedza

Takawira Photovet Dapi

SEH CALAZ anoti haanzwe kunyara kuti anogara nekushandira mumusha weMbare, muHarare – zvisinei nematambudziko ose akatarisana nenzvimbo iyi – kusanganisira suweji inogara ichingoyerera mumigwagwa yeko.

Studio yake yeYala Nation Music Recording Studio iri pakati peMbare.

“Ndakakurira muno, asi kana ndikakuudza kuti iye zvino ndave nemari ndinenge ndichikunyepera,” anodaro.

“Mercedez Benz yandakagara mukati mayo iyi yakabva mukuita bhizimisi munzvimbo yeMbare, imomo munoshoreka.

“Handikwanise kugara kuBorrowdale sezvo ndichipedza nguva yangu yakawanda ndiri kuno kuMbare.

“Ndikafuma ndakafa nhasi, vanhu ivava ndivo vanondichema. Ndivo vanhu vakandirera kusvikira nyika yose yazotanga kundiziva, handiti waiwona,” anodaro Seh Calaz.

Anoti vagari vemuMbare vanofanirwa kutungamirira mukugadzirisa matambudziko avanosangana nawo munzvimbo yavo.

“Marara anogara akaunganidzwa kunze kwedzimba dzedu unove mucherechedzo wekuti tinenge tachenesa dzimba dzedu.

“Kuburitsa marara mumba, tichikanda panze zvinoreva kuti isusu hatidi tsvina.

“Zvisinei, mabhini edu anogara akazara nekuda kwekusatukurwa kwemarara nekanzuru,” anodaro.

Anoti zvakakosha kuti vanhu vane mukurumbira vabatsire mukusimudzirawo nzvimbo dzavakakurira kana kuti dzavanobva.

“Tinofanirwa kudzorera kunharaunda dzatakakurira.

“Pane vanamuzvinhabhizimisi vane mamiriyoni nemamiriyoni emari vakabva muMbare, asi havakoshese nyaya yekudzorera kunharaunda yavakakurira.”

Seh Calaz anoti vagari vemuMbare vatojaira kuona suweji ichiyerera mumugwagwa.

“Inongoyerera mumigwagwa yedu ichienda kurwizi rwaMukuvisi uye tatozvijaira.

“Takakura suweji iyi ichingoyerera saka kwatiri hatiitore setsvina asi zvave zvinhu zvinogara zvichiitika.

“Handizi kuti chinhu chakanaka, asi zvinoreva kuti tararama uye tagara nayo kwenguva yakareba zvikuru,” anodaro Seh Calaz.

Share This:

Sponsored Links