Newewo usadzime magetsi erudo

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ignatious Mabasa

NDINOFARIRA imbwa zvikuru. Ndinofunga kufarira kwangu imbwa kunobva pakuti chinhu chipenyu chekutanga muhupenyu hwangu chandaiti ndechangu yaive imbwa yangu yainzi Jet.

Handizive akandipa Jet, asi ndichiri kurangarira kuti ndaifamba, kutamba nekutaura naJet. Ndakanga ndakapa Jet zita iroro nekuti yaimhanya zvekuti ndaimbofunga kuti ine nguva dzayaipinduka kuita mhepo. Jet yakazofa yarumwa nenyoka, uye neniwo pane chakafawo mumwoyo mangu kwemazuva akawanda.

Dai vanhu taiwana nguva yekutaura zvinhu zvikuru zvakaitwa nembwa, taitoona kuti imbwa zhinji dzaikunda vamwe vanhu vari pakati pedu.

Kare ndichiri mudiki, sekuru vangu vakanga vanembwa yavo yavaifamba nayo. Rimwe zuva imbwa yasekuru vangu yakaenda navo kudoro. Vasvika kudoro, sekuru vangu vakanwa kusvika vadhakwa. Vakabva vabvisa bhachi ravo raive nechikwama chine mari. Vakagadzika bhachi pasi.

Pavakazosimuka vave kuenda kumba, vakakanganwa bhachi ravo nechikwama chavo, nembwa yavo. Imbwa yavo yakasara yakarindira bhachi nechikwama zvatenzi vayo. Hapana munhu akakwanisa kubata kana kuswedera pedyo nebhachi iroro nekuti yakaratidza vanhu vese kuti yakanga yazvipira kuchengeta bhachi ratenzi vayo kusvikira vadzoka.

Sekuru vangu vakazodzokera kunotora bhachi ravo zuva rakatevera. Vakawana imbwa yavo yakachengeta bhachi ravo nechikwama.

Kunyika yeJapan pane chimwe chiteshe chezvitima chinonzi Shibuya mudunhu reTokyo, pane mufananidzo wembwa wakaiswa senzira yekurangarira mabasa embwa yainzi Hachiko. Imbwa yainzi Hachiko inorangarirwa nekuda kwekuda kwayo tenzi vayo zvakanyanyisa.

Tenzi vaHachiko vakanga vari professor pane imwe yunivhesiti yeko, uye vaipota vachikwira chitima mazuva ese vachienda kubasa.

Mazuva ese Hachiko yaiperekedza tenzi vayo kuchitima mangwanani, zvakarewo yaidzoka pachiteshi masikati kuzovamirira kana chitima chadzoka.

Munoziva kufadza kwazvinoita kana vanga vaparadzana vachinge vasanganiswa zvakare.

Asi rimwe zuva tenzi vaHachiko havana kudzoka nechitima chemasikati. Vakanga vafira kubasa. Asi imbwa yavo Hachiko haina kuregera kuramba ichienda kuchiteshi mazuva ese kwemakore anoda kusvika gumi ayakararama. Zuva rega rega rakasikwa naMwari, Hachiko yaienda kuchitima nyangwe kunze kuchinaya kana kuchidonha chando.

Hachiko haina musi wayakarega kunomirira tenzi vayo kuti vadzoke.

Nyaya yembwa yekuJapan inondirwadza nekuti chekutanga, isu vanhu hatisisina rudo nehany’a zvingaenzaniswe nezvembwa yainzi Hachiko. Vanhu vakaita mufananidzo wekurangarira Hachiko vakaita chinhu chakakosha kwazvo nekuti mufananidzo wembwa iyi une nhoroondo yakanaka, nyangwe zvayo ichirwadza.

Ko iwe imbondiudzawo, uri kuda vanhu vanofanira kudiwa newe kudarika zvaiita imbwa iyi here? Ini ndinoziva kukurumidza kupera rudo kwedu vanhu kuti kunoonekwa kana hama ikapinda muchipatara kwemwedzi miviri. Mazuva ekutanga vanhu vanoenda, asi vanozongosvika pavanoneta.

Funga makore akapedzwa nembwa ichienda mazuva ese kunomirira tenzi vayo? Ko iwe ndiyani wawakambomirira usingagunun’une nyangwe nguva yekuti vasvike yadarikidza?

Kumirira imwe mhando yerudo. Kumirira kunofambirana nekuve nemwoyo murefu. Mwoyo murefu wakataurwa kuti chimwe chezvibereko zveMweya waMwari.

Ndinombozvifunga zvakanyanya munguva dzatiri kurarama dzekuoma kwezvinhu kuti rudo rwevazhinji rwuchatonhora. Asi tingakundwe nembwa here?

Hasha, godo, ruvengo, gakava nekupesana hazvisi vana vakanaka, usazvipe sadza kana pekurara.

Munguva dzekuti Zesa iri kudzima magetsi, newewo usadzime magetsi erudo, mwoyo murefu neChiKristu. Shoko raMwari mwenje nechiyedza panzira yaunofamba, uye ngarikuvhenekere panodzima magetsi evanhu.

Share This:

Sponsored Links