Ngano nemashiripiti

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
MASHIRIPITI kana jandukwa ndechimwe chiitiko chinonyanya kutora nzvimbo mungano. Nguva zhinji vanasarungano vanoshandisa mashiripiti vaine zvinangwa zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvinoita kuti vashandise mashiripiti ndezvinotevera:

Kuburitsa zvidzidzo zviri mungano

Kusimbaradza dingindira rerungano

Kanakidza kana kusetsa vateereri verungano

Kuburitsa zvakahwanda zvinenge zviri mungano

Kurodza njere dzevateereri

Kutyisidzira vanhu kuti vagone kuchengetedza muko

Kubatsira vanhu vaMwari kuti vapukunyuke mumatambudziko

Kutaridza masimba enyikadzimu

Kufambisa mashoko zviri nyore

 

Musiyano wenganotaurwa nenganonyorwa:

Nganotaurwa nenganonyorwa zvinoumba uvaranomwe. Mutauro wavaShona wakapfuma nokuti une zvose nganonyorwa nenganotaurwa, izvo zvinobatsirana kuti mutauro unzwikwe kupfuma kwawo. Imwe siyano pakati pengano dzakanyorwa pasi nengano dzekutaura inosanganisira inotevera:

Ngano yekunyora pasi inorasikirwa neuvizhuvizhu.

Ngano yekunyora hainyatsobudisi kudyidzana kuri pachena pakati pasarungano nevateereri.

Vateereri havana anovadzidzisa maimbirwo enziyo.

Ngano yekunyora inorasikirwa navateereri sezvo muverengi ari iye zvakare muteereri.

Hapana vateereri vanobvumira, “dzepfunde” kuna sarungano.

Vateereri havakwanisi kubvunza mibvunzo sezvo pasina munhu wavanogona kubvunza.

Vateereri havakwanisi kuuchira.

Maumbirwo erungano runobva rwashanduka

Vateereri havakwanisi kuseka sezvinoitwa mungano yekutaura.

 

Madingindira anobuda mungano:

Mungano munobuda madingindira akasiyana-siyana. Dingindira ndiyo pfungwa huru inobuda mungano naizvozvo munogona kuita madingindira maviri kana kudarika zvichienderana nezvinenge zvichida kubudiswa nasarungano/munyori wacho. Mamwe emadingindira anonyanya kuwanikwa mungano ndeanotevera:

Mushandirapamwe

Undyire

Utsinye

Umbavha

Wanano

Kukosha kwekuchengetedza muko

Tsitsi dzinotsitsirira

Share This:

Sponsored Links