‘Ngatidzivirire 4th wave nekubaiwa nhomba’

14 Nov, 2021 - 14:11 0 Views
‘Ngatidzivirire 4th wave nekubaiwa nhomba’

Kwayedza

Tandayi Motsi

MUTEVEDZERI wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti Zimbabwe inokwanisa kumisa kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kechina (fourth wave) – sezviri kuitika kunyika dzemhiri – kana vanhu vakawanda vakabaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri izvo zvinoita kuti nyika inge yakadzivirirwa.

Vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation – Dr Thokozani Khupe – avo vaida kuziva kuti Zimbabwe ichasvitsa rinhi chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika vanenge vabaiwa nhomba kuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Dr Mangwiro vanoti Hurumende nemamwe mapoka akasiyana-siyana vari kushanda nesimba kuti pazadzikiswe zvinangwa zvekuti chikamu che60 chevanhu vose vari muZimbabwe vange vabaiwa majekiseni panopera gore rino.

“Ndinotenda Hon. Khupe nemubvunzo wekuti tinenge tadzivirirwa rinhi. Regai nditi panopera gore rino, pari zvino tiri pachikamu chingangosvika 40 percent nekuti masvondo maviri adarika taive pa38 percent saka iye zvino tave kuda kusvika pa40 percent,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Munyaya imwe chete, seHurumende takati vane makore 16 ne17 okuberekwa iye zvino vanokwanisa kubaiwa nhomba uye vakawanda vavo vari kuita Fomu 4 ne6. Vechidiki ava vakawanda zvikuru, tose tinoziva kuti muZimbabwe vechidiki ndivo vakawanda. Saka tinoda kuti tibaye majekiseni vechidiki ava mukati menguva pfupi-pfupi yakakodzera, mumasvondo maviri kana matatu ari kutevera, tichaenda kuzvikoro zvavanodzidza tichivabayira nhomba ikoko.”

Vanoti chirwere cheCovid-19 chinotaridza kuti chinogona kuramba chiripo kusvika gore ra2024.

“Regai ndiyeuchidze nhengo dzinoremekedzwa dzedare rino kuti denda iri rinogona kuramba rinesu kusvika 2023/24. Dzimwe nyika dziri kuona kunyuka kwechirwere ichi kechina pari zvino, saka tinonyatsoziva kuti kana denda iri ranyuka kumwe kechina, rinotouya kwatiri zvakare. Nekudaro, tinoda kuti rizonyuka kechina kana tichinge tazama nepatinogona napo panyaya yekubaiwa nhomba,” vanodaro Dr Mangwiro.

Hurumende, vanodaro Dr Mangwiro, iri kushanda pamwe chete nemapoka anosanganisira vemachechi nemadzishe nechinangwa chekuti vanhu vakawanda vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Mishonga yemajekiseni yekuti vanhu vabaiwe tinayo yakawandisa, tichiri neinokwanirana nebasa rinoda kuitwa. Svondo rinouya (svondo rino) tichawana zvakare mamwe majekiseni 1 miriyoni, kureva kuti tiri mugwara,” vanodaro.

Kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 3,4 miriyoni vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo vamwe 2,6 miriyoni vabaiwa echipiri (2nd dose)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>