Uncategorized

Ngatidzokerei kuchikafu chechinyakare

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Ngatidzokerei kuchikafu chechinyakare Manhanga

Kwayedza

Wedzerai Nhemachena

MUKUFAMBA munzvimbo dzakawanda muZimbabwe, ndakaona kuti mbeu dzatinorima kumaruwa isu tisina madiridziro dzave kuziya nekushaya mvura. Mbeu zhinji dzandakaona dzichiziya ndedzechibage chinova ndicho chinopa sadza kuruzhinji rweZimbabwe.

Kanapo chibage chiri icho chinotiwanisa sadza, chinoda mvura yakawanda. Zvino kana mvura iri shoma sekuratidza kwazviri kuita mwaka uno, takafanirawo kutsvaga mbeu dzinotibatsira kuti tichengete mhuri dzedu mukuoma kwemwaka tisati tatsvaga rubatsiro kubva kune vanogona kutiyamura.

Dzimwe dzembeu dzinotivirira muzuva ndedzakaita sedzidzi: zviyo, mapfunde, mhunga, nyemba, bhinzi, mufarinya, masanifurawu nembambaira. Kunezve imwe mbeu yatinopihwa pachena neWedenga dzinomera mumunda semasora. Kazhinji tinotosakura tichibvisa “sora” iri asi uku kunotova kudya kwakanakisa kunotipa muriwo. Mbeu idzi ndidzo dzakafanana nenyevhe, tsine, mowa nederere renyenje, bupwe kana kauyu.

Chakanakira mbeu idzi ndechekuti hadzinetse kuriritira nokuti dzinomera dzega. Pamusoro pezvo, dzinotora kanguva kapfupi-pfupi chose dzisati dzakohwewa.

Dare rino rinoti ngatitore mukana iwoyu mwaka uno tikohwe muriwo uyu wakawanda towuita mufushwa kuti tisazotambudzika muriwo wekusevesa kana matsime aoma uye magadheni asisina muriwo watinorima kana mvura ichiwanikwa zvakanaka.

Tinotizve ngatichengetei mbeu dzemiriwo iyi tozoadyara mumagadheni. Tinogona kutoita munda wenyevhe, derere kana mutsine. Miriwo iyi tinogona kuikohwa toitengesa iri minyoro (fresh) kana kuti semufushwa, imwe yacho todyawo nemhuri dzedu.

Mufushwa une mari yepamusoro chaizvo mumaguta nemadhorobha. Unobhadhara kudarika muriwo munyoro, zvikuru munyevhe kana munyemba.

CHENJEDZO: Kudya kwese kunoda kujaira kuti kunakire munhu zvichienda kuti wakakurira kupi. Ini sedungamunhu “cheese” yaisandinakira pandakatanga kuidya ndichibva kumaruwa ndichiuya mudhorobha, asi nekujaira, ndave kuifarira. Ndizvowo nemunyevhe, mutsine, munyemba, derere kana sadza rezviyo, mapfunde kana mhunga. Nyanzvi dzekurapa dzinokurudzira kudya uku nokuti kudya kunonaka, uye kune hutano. Tinotizve ngatiwane zuva kana mazuva atinotorima kudya uku, zvikuru miriwo iyi totoita minda yawo yatinokohwa nokuti zvinotipa kudya kwakanaka, kune utano, uye kunotipa cheuviri mudzimba dzedu, matunhu edu, makambani, pamwe nemunyika yedu.

Kana zvadai, isu semadzimbahwe hatichanyanyotambudzika nekushaya pekutangira kuchengeta mhuri dzedu tichimirira rubatsiro kune vane zvimwe zvingatibatsire mukurwisana nenzara mumwaka wakaoma sewatatarisana nawo.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links