‘Ngatikoshesei tsika nemagariro akanaka’

29 Oct, 2024 - 18:10 0 Views
‘Ngatikoshesei tsika nemagariro akanaka’ Zvimwe zvaiitika pamutambo weBuja Annual Festival of Arts kwaMutoko svondo rapera

Abel Ndooka

VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti vakoshese tsika nemagariro akanaka echivanhu nechinangwa chekuti vechidiki vazive gwara rekutevera sezvo izvi iri nhaka yemusiiranwa.

Kurudziro iyi yakapihwa nevakafanobata chigaro chaDeputy Director vezvemitambo, kutandara netsika nemagariro kuMashonaland East – VaElias Gutsa – avo vaive muenzi anoremekedzwa pamutambo weBuja Annual Festival of Arts uyo wakaitirwa kwaMutoko Centre, kwaMutoko svondo radarika.

“Mitambo yakaita seBuja Annual Festival of Arts yakakosha zvikuru nekuti inodzidzisa veruzhinji, kunyanya vechidiki, kuti vagoziva kwavakabva nezvaiitwa pasichigare izvo tinoona kuti zvinobatsira zvikuru kuvaumba sevanhu mukukura kwavo.

“Saka seHurumende, isu tinokoshesa mitambo yakaita seiyi nekudzidzisa kwairi kuita tsika nemagariro edu uye tiri kukurudzira masangano akasiyana kuti auye tiite mushandirapamwe wekusimudzira mitambo yakadai inoitwa kunharaunda dzakasiyana,” vanodaro.

VaElias Gutsa

Vachitaurawo padopiro iri, sachigaro weBuja Festival of Arts – Sadunhu Nyamutsahuni, VaOscar Nyakabau – vanoti mutambo uyu wave nemakore uchiitwa uye uri kubatsira zvakanyanya kusimudzira tsika nemagariro evanhu vechiBuja.

“Chinangwa chedu mukuita mutambo uyu kuti tirambe tichisimudzira maramiro edu, tsika nemagariro echiBuja, saka ticharamba tichisanganisa vechikuru nechidiki nekuti nhaka musiiranwa. Tinofanira kudzidzisa vechidiki vagoziva kwavakabva pane kuti tinongoita zvese tiri tega isu vechikuru.

“Patinosangana, hatisi kungoita mitambo chete asi  tinorakidza zvinosanganisira chikafu chaidyiwa pasichigare nemichero yaisimbisa miviri yemadzitateguru edu,” vanodaro Sadunhu Nyamutsahuni.

Zvimwe zvaiitika pamutambo weBuja Annual Festival of Arts kwaMutoko svondo rapera

Pamutambo uyu, paive nezvikwata zvinosanganisira zvezvikoro izvo zvakaita mitambo yechiBuja yakadai seTsotsa neKadhora.

PachiBuja, mitambo iyi inonzi ndeyemashavi uye inotambirwa mhondoro senzira yekukumbira kuti mvura inaye.

Share This:

Sponsored Links