‘Ngatingwarirei zororo rasvika’

25 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
‘Ngatingwarirei zororo rasvika’ Dr Mahomva

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti varambe vachitevedzera matanho ekurwisa Covid-19, zvikuru apo zororo reKirisimasi neGoredzva rave pedyo sezvo iri iyo nguva inofamba vanhu vakawanda nzendo izvo zvinogona kuita kuti pave nenjodzi yekunyuka kwechirwere ichi kechina (fourth wave).

Muhurukuro neKwayedza, Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet – vanoti vanhu vakawanda havasisina hanya nekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi.

“Nguva ino apo Kirisimasi yave pedyo kusvika, vanhu vazhinji vatogadzirira kuenda kumamisha nedzimwe nzvimbo kuti vanopemberera nehama neshamwari. Asi tisakanganwa kuti chirwere cheCovid-19 tichinacho uye tinofanira kuramba tichitevedza mitemo yakaiswa sekuti vanhu vasaungana, vapfeke mamasiki nenzira kwayo vachivhara mhuno nemuromo, vogeze maoko nemvura ine sipo nguva nenguva kana kushandisa sanitizer,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanokurudzira vanhu vasati vabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuti vabaiwe sezvo danho iri richibatsira zvikuru mukurwisa kupararira kwedenda iri.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya majekiseni aya chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kuti inge yakadziviririka kubva kudenda iri.

“Kudai veruzhinji varega kuterera mashoko anotenderera semunharembozha nedzimwe nzira dzepadandemutande ayo anovatyisidzira kuti vasabaiwa nhomba dzeCovid 19. Kune vamwe vari kurasikirwa neupenyu kuburikidza nekushaya zivo zvichitevera kuterera mashoko asiriwo izvo zvinoita kuti vasabaiwe nhomba idzi,” vanodaro.

Dr Mahomva vanoenderera mberi vachiti, “Yambiro kune avo vasisapfeke mamasiki zvachose, tinoti zivai kuti muri kuisa utano hwenyu nehwevamwe panjodzi. Tinokurudzira veruzhinji kuti rambai muchipfeka mamasiki enyu muchiona kuti mhuno nemuromo zvakavharwa zvakanaka. Covid-19 tichinayo saka ngatigarei takazvidzivirira.”

Vanotizve vanhu vachabva kunze kwenyika vachiuya kuzororo reKirisimasi neGoredzva vanotarisirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti vakavhenekwa Covid-19.

“Vachabva kunze kunyika dzakasiyana yambiro ndeyekuti vauye nemagwaro anoratidza kuti vakaongororwa Covid-19 munzvimbo dzinozivikanwa kuitira kuti vagozokwanisa kudarika pamiganhu yenyika pasina dambudziko. Izvi zvinobatsira zvakare kuti chirwere ichi chisapararire munyika medu chichibva kunze nekuti huturu (variants) hwacho hunosiyana-siyana zvichienderana nenyika,” vanodaro Dr Mahomva.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 133 747 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri munyika muno munaKurume wegore rapera.

Pavarwere ava, 128 517 vakatopona asi vamwe 4 703 vakafa.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 3 718 776 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira denda iri apo 2 767 243 vange vabaiwa echipiri (2nd dose) kubvira pakatanga chirongwa ichochi munaKurume gore rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey