Ngatipe vechidiki mikana: Mafero

02 May, 2024 - 12:05 0 Views
Ngatipe vechidiki mikana: Mafero Joey Antipas

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weChicken Inn – Joey “Mafero” Antipas – anoti zvakakosha kuti zvikwata zvenhabvu zvinokwikwidza muCastle Premiership zvipe mikana kuvatambi vechidiki nechinangwa chekuvasimudza uye kuumba tarenda remangwana.

Mwaka uno maGamecocks (Chicken Inn) yakanyoresa mutambi ane makore 14 okuberekwa muchikwata chavo chemuPremier Soccer League anonzi Awakhiwe Tshabile izvo zvisati zvamboitwa nezvimwe zvikwata.

Antipas anoti kana mutambi aine tarenda, ngaapinde muzvikwata zvePSL uye opihwa mukana wekugadzira zita rake sezvo zvichizomubatsira kusimukira mumutambo uyu.

“Kuti nhabvu yedu isimukire chaizvo, ngatipe mikana kune vatambi vechidiki vari kusimukira kuitira kuti tinyatsovabike sezvo zvichizobatsira mune remangwana kana tichida kutumira vatambi kunze kwenyika.

“Zvino kana tiri kuvharira tarenda revana panze, mune remangwana tarenda ravo rinoonekwa sei?

“Isu kuChicken Inn donzvo redu ratave kufamba naro kupa mikana kuvatambi vechidiki. Kana mutambi tichiona kuti anokodzera kutamba muchikwata chevakuru, ngaatambiswe kuitira kuti tarenda rake rionekwe nezvikwata zvakasiyana zvekunze. Tinoda kuona vatambi vedu vakawanda vachienda kunze kunotambira zvikwata zvikuru zvine mukurumbira,” anodaro Mafero.

Mwaka uno, Chicken Inn chimwe chezvikwata zviri kurwira mukombe wePSL izvo zviri kuiona yakagara pechina palog.

Chikwata ichi chakadzora Danny ‘’Deco’’ Phiri kubva kuSouth Africa uyo Antipas anoti ari kubatsira zvikuru vatambi vechidiki vari muchikwata chake.

“Deco mutambi wepamusoro ndiko saka takamudzora kuchikwata chedu uye tinoziva zvaanounza muchikwata saka tiri kufara nebasa raari kuita mwaka uno.

“Vechidiki vanotarisira kwaari nekudaro tinovimba kuti acharamba achishanda nesimba kusimudzira chikwata chedu,” anodaro Mafero.

Svondo rino, Chicken Inn iri pamusha kuBabourfields apo ichasangana neDynamos mumutambo wePSL.

Mafero anoti uyu mutambo mukuru uye chikwata chake chinotofanirwa kurwa semvumba mwaka uno sezvo vari kuda kuhwina mikombe yakasiyana.

“DeMbare chikwata chikuru ende hachisi chekumbodherera, saka tinotofanirwa kutokwinya zvakasimba nekuti inogona kumuka chibhenen’ena patiri wena,” anodaro.

Mafero anoenderera achiti: “Isu mwaka uno chishuwo chedu kuhwina mikombe saka ticharwa kuti tiwane watinohwinawo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey