Ngatipedzei mhirizhonga

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Ngatipedzei mhirizhonga

Kwayedza

ZIMBABWE pari zvino iri pakati pekucherechedza mazuva 16 ekurwisa nyaya dzemhirizhonga kuvanhukadzi — ingave yemudzimba kana imwewo mhando yemhirizhonga iyo inokanganisa raramo yavo.

Chirongwa chekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi ichi chinoitwa pasi rose gore negore kubva nemusi 25 Mbudzi kusvika 10 Zvita.

Chakatangwa nevanhukadzi vanorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana mugore ra1991 uye pasi rose chinotungamirwa nesangano reCentre for Women’s Global Leadership. Chirongwa ichi chakavepo zvichitevera kushungurudzwa kunoitwa vanhukadzi kuburikidza nenzira dzakasiyana sekubatwa chibharo, kurohwa mudzimba, kumbunyikidzwa nenzira dzine chekuita nebonde uye nedzimwe tsika nemagariro dzinoita kuti vanhukadzi vashaye chiremerera dzinosanganisira kuroodzwa kwevanasinaka vachiri vadiki.

Mhirizhonga kuvanhukadzi kutyora kodzero dzavo dzekuti vararame vakasununguka uye zvinodzosera budiriro yenyika kumashure.

Nhasi uno kune nyaya dzakawanda zvikuru dzevanhukadzi dziri kubuda munhau apo vanenge vachishungurudzwa.
Senyaya yakabuda kuKwayedza svondo rapera — yemumwe murairidzi wechirume uyo airova mwanasikana wechikoro nezvibhakera pajekerere, uku kutyora kodzero dzemwana uyu uye zvakadai hazvitenderwe.

Kune vamwe vanhukadzi vanopedzisira vaenda kumatare edzimhosva kunotora magwaro edzviriro kana ekuchengetedzwa mushure mekunge vashungurudzwa nevarume zvakanyanya.

Vamwe vanhukadzi vanoramba vari muwanano inenge iine mhirizhonga nekuda kwezvikonzero zvakasiyana asi pakadai apa zvakanaka kutsvaga vanachipangamazano nekuti kune vari kupedzisira vazopondwa nevarume vavo vachiti vakagarira vana.

Mhirizhonga kuvanhukadzi haingoitike kudzimba chete sezvo kana nekumabasa irikowo apo vamwe vanombunyikidzwa nenzira yebonde.

Kunyangwe pakufamba nzendo chaipo, vanhukadzi vanombunyikidzwa mumabhazi nemumakombi apo vanomanikidzwa kupinda mukombi yavanenge vasingade kukwira. Zvisinei, zvakakosha kuziva kuti kune vamwe varume vari kusanganawo nenyaya dzemhirizhonga apo vanogona kurohwa kana kumbunyikidzwa pabonde nemadzimai. Mhirizhonga yerupi rudzi haina kunaka zvachose nekuti inokanganisa magariro akanaka evanhu. Kana mumba muchigara muine mhirizhonga, zvinokanganisa upenyu hwevana zvekuti kana nekuchikoro chaiko vanopedzisira votadza kudzidza zvakanaka.

Kazhinji, vana vanokura mumhuri inenge ichiitwa mhirizhonga kana vayarukawo vazove muwanano mune remangwana, vanogona kuita mhirizhonga nevadikani vavo zvakare nekuti ndizvo zvavanenge vakakura vachiona.

Nhasi uno kune vamwe, vangave varume kana vanhukadzi, vakarasikirwa neupenyu nekuda kwemhirizhonga yemudzimba uye vamwe vave zvirema.
Ibasa remunhu wose kurwisa nyaya dzemhirizhonga dzerupi rwudzi.

Zvakakosha zvakare kuziva kuti kunyangwe zvazvo pasi rose pakatarwa mazuva 16 ekucherechedza mhirizhonga kuvanhukadzi, hazvirevi kuti panguva iyi chete ndipo panofanirwa kutaurwa nezvenyaya idzi uye nekutorwa matanho ekurwisa mhirizhonga. Mhirizhonga kuvanhukadzi iri kuitika mazuva ose nekudaro inofanirwa kugara ichirwiswa.

Zimbabwe yakadzika mitemo yakasiyana nechinangwa chekurwisa mhirizhonga. Kune masangano akawanda zvakare ari kubatsira vanhukadzi vanenge vasangana nemhirizhonga. Kana vanhu vose vakabatana mukurwisa mhirizhonga, zvikuru kuvanhukadzi, nyika inobudirira.
Ngatipedze mhirizhonga!

Share This:

Sponsored Links