Ngatirege kuita sedindingwe

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views
Ngatirege kuita sedindingwe Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
DINDINGWE imhuka ine ruvara rwakanaka chaizvo rwune makwapa matema nemachena, uye inovhima zvine hunyanzvi. Ichi chipo chakanaka chayakapihwa naNyadenga.

Mutambiro wedindingwe mukuvhima ndewekuti kana yabata mhuka, inoizvuzvurudza kuenda nayo pakahwanda painonoidyira nekupawo vana vayo nyama. Inozvuzvurudza mhuka yayabata yonoiviga mumiti musingasvikwe nedzimwe mhuka, kuti paye painenge yodya, idye yakadekara isingatye kutorerwa nyama. Miti iyi inoshandiswa sedura rekuchengetedza nyama kuti paye painenge yaguta, inosiya kuitira mangwana painotadzawo kubata dzimwe mhuka nokuti mazuva haanake nguva dzose.

Mutambo wedindingwe uyu unodzokororwa nesu vanhu mukurarama mudzimba dzedu, mumakambani kana mumatunhu. Mukushava kwedu tinoshandisa vamwe kusvika ivo vatadza kuwana simba rekushandirawo mhuri dzavo nokuti vari mushishi rekusevenzera isu.

Hapano mutambo uya wasanduka pakuti Mwari haasi wemunhu mumwe chete, dindingwe riya rine vanorivhimawo mumutambo wedu uya wemusango. Kune dzimwe mhuka dzine chipo chekuvhima nesimba rinopfuura redindingwe. Vanyamasimba vemusango umu vanobatawo dindingwe nekurizvuzvurudza zvarinoitawo dzimwe mhuka dzarinombosibata. Apa dindingwe rinoridza mhere kuti sei zvaitirwa iro. Rinotambudzika kuti mavara aro ava kuzadzwa tsvina muvhu mariri kuzvuzvurudzwa.

CHENJEDZO:
Kazhinji tinoona vane masimba mudzimba dzedu, mumakambani nemumatunhu edu vachionesa vamwe ndondo sezvinonzi Mwari ndewavo voga.

Mangwana kana zvavawanawo vanoridza mhere vachimhanya kumatare edzimhosva kuti havanganzarwo. Hazvivatorere nguva huru kukanganwa kuti naivo ndihwo hunhu hwavo hwekuonesa vamwe ndondo. Nokudaro, ngatingwarire tose kuti kare haagare ari kare tisakanganwe chazuro nehope sedindingwe.

Share This:

Sponsored Links