‘Ngatiregerei kurivara . . .’ COVID-19 ICHIRIMO MUNO: PRESIDENT

22 May, 2020 - 00:05 0 Views
‘Ngatiregerei kurivara . . .’ COVID-19 ICHIRIMO  MUNO: PRESIDENT President Mnangagwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHIRWERE cheCovid-19 — icho chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus — hachina kwachati chaenda uye tichinacho muZimbabwe, vanodaro mutungamiri wenyika President Mnangagwa.

Vachizivisa nematanho matsva ave kuzotorwa nenyika apo Zimbabwe iri kufambira mberi nekurwisa chirwere chanetsa pasi rose ichi nemusi weMugovera, President Mnangagwa vanoti Hurumende inogutsikana nepasvika nyika ino mukuedza kumisa kupararira kwedenda iri kuburikidza nekuti veruzhinji vambogara kudzimba —lockdown.

President Mnangagwa vanoti asi izvi hazvireve kuti chirwere cheCovid-19 hachisisimo muZimbabwe uye pachine magwanza anofanirwa kuvharwa.

“Iwaya magwanza ndiwo anoda kuvharwa uye inyaya dziri kuongororwa pasi pezvirongwa zvakananga kurwisa Covid-19 izvo zvinoratidza zvose tsekwende nezvingaitirwe veruzhinji.

“Naizvozvo, Zimbabwe ichaenderera mberi nechirongwa che’Level 2 lockdown’ kudzimara zvazoziviswa kuti zvinhu zvasanduka. Tichapota tichiona mamiriro ezvinhu mushure memasvondo maviri oga oga opo tinenge tichizivisa veruzhinji nezvebudiriro kana kusavapo kwayo. Izviwo zvichatipa mukana wekusimbaradza zvirongwa zvekuona pane njodzi uye kuti inogadziriswa sei kuitira veruzhinji,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti Hurumende ichasimbaradza zvirongwa zvekuvhenekwa kwevanhu nechinangwa chekuda kukasika kuona hosha, kugarisa vanenge vaine denda iri kwavo voga, kuronda vangange vakatapurirwa, kurapa pamwe nekuona zvekuita nevanhu vangava panjodzi kunyanya.

President Mnangagwa vanotizve zvikoro zvichavhurwa nemadanho —kutanga nevadzidzi vari kutarisirwa kunyora bvunzo.

“Sezvagara zvichirehwa, vaya vachanyora bvunzo nevadzidzi vari mugore rekupedzisira kumakoreji nemayunivhesiti ndivo vachatanga kuvhura. Asi zvisinei, zvose zvisungo zvekudzivirira Covid-19 zvinosungirwa kutevedzwa.

“Zvichakadai, hurongwa hwemavhurirwo achaitwa zvikoro huchafambira mberi.”

Nyika ino yakatanga zvirongwa zvekuti veruzhinji vagare kudzimba uye vasingafambe-fambe nechinangwa chekumisa kutapurirana nekupararira kweCovid-19 musi wa30 Kurume.

Hurumende inofadzwa nebudiriro yaunzwa nematanho aya sezvo ongororo dzainge dzakati panozopera mwedzi waKubvumbi, Zimbabwe inenge yava nevanhu 1 000 avo vanenge vawanikwa vaine Covid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe manga mawanikwa vanhu 46 vane Covid-19 mushure mekuvhenekwa. Pavanhu ava, vana (4) vakashaya.

“Hurumende iri kufadzwa nezvakanaka zvaunzwa nechirongwa chekuti veruzhinji vagare kudzimba kubva musi wa30 Kurume 2020. Zimbabwe ingadai yava nevanhu 1 000 vawanikwa vaine Covid-19.

“Nyika yedu yakazvipira kuvamba zvirongwa zvakasimba zvekuongorora mafambiro echirwere ichi.  Izvi zvinosanganisira kuvheneka Covid-19 kuvarwere vose vari muzvipatara, vose vane zviratidzo zvedziwa pamwe chete nekuronda vose vangangodaro vakatapurirwa. Kusvika musi weChishanu chino, vanhu 42 vange vawanikwa vaine chirwere ichochi mushure mekunge vavhenekwa,” vanodaro President.

Vanoti matanho matsva aya atorwa nechinangwa chekusimbaradza budiriro yaitwa neZimbabwe mukuedza kumisa chirwere ichi.

“Tinofanirwa kuedza kuderedza kuwanda kwevanhu vanowanikwa vaine chirwere nechinangwa chekudzivirira rufu nematambudziko anozowira nyika.”

President Mnangagwa vanoti nekuda kwekumiswa kweveruzhinji kufamba-famba, vakawanda vevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 ndevanenge vabva nayo kunze kwenyika uye danho iri rasimbaradza kuvhenekwa, kuvapo kwenzvimbo dzekuisa vanenge vawanikwa vainayo kwavo voga pamwe chete nekudzidziswa kwevashandi vezveutano.

Zvidzidzo nechenjedzi yechirwere ichi muruzhinji yatekeshra nenyika.

“Izvi zvinosanganisira kuisa zvinyorwa zvose zvine chekuita neCovid-19 mumitauro yose gumi nemitanhatu yenyika. Kushandisa vatungamiri vekumatunhu, mapoka akazvimirira, machechi, makambani, vezvenhau, pakati pevamwe kuri kubatsira zvikuru tichifambira mberi.

“Hutsanana pachezvaho hwasimukira munharaunda. Ndinokurudzira makanzuru neveruzhinji kuti vasimbaradze matanho aiswa aya,” vanodaro.

Kusagarisana pedyo nepedyo, kupfeka mamasiki, kuvhenekwa kudziya kwemuviri nekushambidza maoko nemishonga zvicharamba zvichiitwa.

Muchidimbu, zvakaziviswa nemutungamiri wenyika ndeizvi:

  • Vanhu vacharamba vachipfeka mamasiki kana vari panzvimbo yeruzhinji
  • Mazuva ekuvhurwa kwezvikoro achaziviswa
  • Vatyairi vemarori vose vava kuvhenekwa
  • Basa rotanga na8 mangwanani richipera na4.30 manheru
  • Pachiri kuongororwa kuti vanoshanda vakazvimirira vangavambe sei kushanda
  • Magungano ose haasi kutenderwa
  • Hakuna chikafu chinodyirwa munzvimbo dzinobika nekutengesa zvekudya
  • Kufamba kwevanhu pakati pemaguta kana kuenda kunze kwenyika bodo
  • Makombi nemishikashika hazvisi kutenderwa kufamba
  • Zupco bedzi nemakombi ari pasi payo ndizvo zvichafamba.

Share This:

Sponsored Links