Ngatirime tive nemaguta – President

30 Jul, 2024 - 11:07 0 Views
Ngatirime tive nemaguta – President

Joseph Madzimure

SACHIGARO weSouthern African Development Community (SADC) ari kutevera, vanova President Mnangagwa, vanokurudzira nhengo dzesangano iri kuti dzikoshese kuchengetedzwa kwechikafu apo Zimbabwe iri mugwara rekuzadzikisa chinangwa ichi.

Muhurukuro neZBC News vari kupurazi ravo rePrecabe riri kuKwekwe nemusi weSvondo, President Mnangagwa vanoti Zimbabwe ine nzira yekurima iyo inogadzirisa nyaya dzekuwaniswa kwechikafu mumhuri.

Vanoti kuparurwa kwechirongwa chekuvaka madhamu munyika yose kuchasimudzira nyaya dzekurima, kuwanisa mvura yekunwa pamwe nekuisa hwaro hwekukwenywa kwemagetsi nezviteshi zvidiki zvinoshandisa simba rinobva mumvura apo Hurumende yeSecond Republic iri kuedza kuvandudza kurima, zvikuru kuvarimi vadiki.

President Mnangagwa vanoti kuvandudzwa kwemadhamu chimwe chezvirongwa zvenguva refu zvekutsigira madiridziro evarimi vadiki, kusimudzira kurimwa kwechikafu uye kuwanikwa kwemvura yekushandisa mumaindasitiri nemudzimba.

“Ini ndinotenda kuti shuviro yenyika imwe neimwe kugona kuzviwanisa chikafu. Tine nzira yekurima inogadzirisa kuchengetedzwa kwechikafu mudzimba munyika.

“Pamusoro pazvo, kune zvekurima zvekutengesa izvo zvatiri kutsigira uye tiri kuedza nepatinogona napo kuona kuti tafambira mberi senyika.

“Zimbabwe yave mugwara chairo panyaya yekuwana chikafu zvachose,” vanodaro.

Vachitaura nezvebudiriro yemadiridziro muZimbabwe neAfrica yose, President Mnangagwa vanoti Africa ine ivhu rekurima rakakwana rinogona kushandiswa kugutsa vanhu vayo.

“Africa sedunhu, tine ivhu rinorimika rakaringana iro tinokwanisa kushandisa kuwanisa chikafu muAfrica. Chechipiri ndechekuti, isu tine kugona muAfrica yose here kana kuzvipira mukuzviwanisa chikafu?

“Apa ndipo paunowana misiyano asi pakupera kwezuva, ndinofunga kuti zvakakosha kuti nyika imwe neimwe yemuAfrica ine minda inorimwa ikwanise kuzvishandisa ione kuti yawana chikafu chinokwanirana. Hongu, pane nyaya yedambudziko rekushanduka kwemamiriro ekunze asi kune zvidziviriro zvinogona kushandiswa pakurwisa shanduko yemamiriro ekunze,” vanodaro President Mnangagwa.

 

Share This:

Sponsored Links