‘Ngatisarivare, Covid ichiriko’

04 Mar, 2021 - 18:03 0 Views
‘Ngatisarivare, Covid ichiriko’ Esther Mawere

Kwayedza

Abel Ndooka

 

NYANZVI munyaya dzezveutano Esther Tayo-Mawere, anove mukuru wesangano rinorwira kodzero dzeutano hwevanhukadzi reWomen in Health Zimbabwe – okurudzira veruzhinji kuti vasarivare vachifunga kuti chirwere cheCovid-19 hachisisiko zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa matanho ekurwisa denda iri neHurumende svondo rino.

 

Muhurukuro neKwayedza, Mawere anoti chirwere ichi chichiriko nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera mitemo yakadzikwa neHurumende neyeWorld Health Organization (WHO) yekuedza kumisa kupararira kwedenda iri.

Vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vachipfeka mamasiki nekusaita chitsoko-tsoko.

 

“Kubviswa kwakaita zvimwe zvirango zvelockdown naPresident Mnangagwa zvave kubatsira kuti vanhu vafambe vachienda kwakasiyana. Asi veruzhinji vanokurudzirwa kuti vachengetedze utano hwavo kwose kwavanoenda uye vanhu ngavasaungane nekuti panowanda vanhu pakaita ane Covid-19 anogona kutapurira kune vamwe,” vanodaro.

 

Mawere anoenderera mberi achiti,

“Chirwere ichi chichiriko uye chinogona kunyuka kechitatu tikadzokera zvakare pachirongwa cheLevel 4 National Lockdown apo vanhu vanonzi vagare kudzimba. Saka ngatizvibate uye tigare takachengetedzeka nguva dzose.”

 

Anokurudzira veruzhinji kuti vaende kunobaiwa mushonga wemajekiseni wekudzivirira Covid-19 (vaccines) vachiti izvi zvinobatsira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

 

“Ini ndakatobaiwa jekiseni rekudzivirira kuti ndisabatwe neCovid-19 saka ndiri kukurudzira nyika yose kuti handei tinobaiwa tidzivirirwe kubva kuchirwere ichi.

 

“Hazvimbotyisa kana kurwadza, kuitira utano hwedu nehwehama dzedu,” anodaro Mawere.

Share This:

Sponsored Links