‘Ngatisarivare, Covid ichiriko’

24 Feb, 2021 - 16:02 0 Views
‘Ngatisarivare,  Covid ichiriko’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti kunyangwe zvazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 nevari kufa nekuda kwedenda iri huri kudzikira, zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vachitevedzera mitemo yakadzikwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe chete nesangano reWorld Health Organisation (WHO).

“Apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kuratidza kudzikira kubvira pakati pemwedzi waNdira 2021, vanhu vari kukurudzirwa kuti vasavarairwe asi kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe chete neWHO kuti huwandu uhu hurambe huchidzikira,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi: “Vabati vezvemutemo vacharamba vachiona kuti veruzhinji vatevedzera matanho akatarwa.”

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 35 910 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pakati pevarwere ava, 32 288 vakatopona asi vamwe 1 448 vakafa.

Sen Mutsvangwa vanoti kubaiwa kwevashandi vari pamberi mukurwisa Covid-19 nevamwe vari panjodzi huru yekubatira chirwere ichi kuri kuenderera mberi kumativi ose enyika.

“Pane matanho ari kutorwa ekuona kuti mushonga wemajekiseni uyu unofanirwa kuramba uchiwanikwa uye kuti vanotarisirwa kuti vabaiwe vabaiwa nenguva yakafanira,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti  nyika yeIndia yakapa majekiseni 75 000 emushonga uyu kuZimbabwe, nerimwe divi Russia ndokupawo majekiseni 12 000.

Izvi zvinotevera mamwe majekiseni 200 000 emushonga weSinopharm akapihwa Zimbabwe nenyika yeChina uko kwakatengwa zvakare mamwe majekiseni 600 000.

Hurumende ine chinangwa chekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni vabaiwe majekiseni ekudzivirira kuti vasabatwe nechirwere cheCovid-19 izvo zvinotarisirwa kubatsira zvakanyanya kurwisa kupararira kwechirwere ichi munyika muno.

Share This:

Sponsored Links