Ngatisavarairwe, hatidi 4th wave

13 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Ngatisavarairwe,  hatidi 4th wave Dr Mangwiro

Kwayedza

Emmanuel Kafe

HURUMENDE iri kutora mukana wekudzikira kuri kuita kupararira kwechikamu chechitatu cheCovid-19 (third wave) uye nekunyevenutswa kwematanho ekurwisa denda iri kusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere ichi senzira yekumisa kunyuka kwacho patsva.

Pane hurongwa hwekuti pave nenzvimbo dzakawanda dzekubaira vanhu majekiseni uye nekuti mushonga uyu uvepo wakawanda.

Mazuva mana kubva Chishanu chadarika kusvika neMuvhuro svondo rino, Zimbabwe yawana majekiseni ekudzivirira Covid-19 anosvika 2 miriyoni kubva kuChina.

Vanamukoti vari pamudyandigere vari kutorwa zvakare vachibatsira pasi pechirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni uyewo mapoka anoona nezveutano akazvimirira akapihwa mvumo yekuti abaye vanhu nhomba idzi.

Kusvika pari zvino vanhu vanodarika 4 miriyoni vabaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri ekutanga (1st dose) neechipiri (2nd dose) uye Hurumende ine hurongwa hwekubaya vanhu 10 miriyoni kuitira kuti nyika inge yakadzivirirwa kuchirwere ichi.

Nerimwe divi, vanhu vanodarika 1,7 miriyoni kusvika pari zvino vabaiwa majekiseni ose ari maviri.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoyambira veruzhinji kuti vasavarairwe panyaya yekuzvidzivirira kuCovid-19 zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa matanho ekurwisa chirwere ichi kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2.

Vanoti panogona kunyuka denda iri kechina (4th wave) kana vanhu vakashaya hanya nekutevedzera matanho aripo ekudzivirira Covid-19.

“Zviwere zvemhando iyi hazvipere nezuva rimwe uye kusatevedzerwa kwematanho ekurwisa Covid-19 kune njodzi huru panguva iyo tinenge tadekara,” vanodaro Dr Mangwiro.

“Vanhu vanofanirwa kubaiwa majekiseni, ino haizi nguva yekurivara. Kuenda pachidanho cheLevel 2 kungonyevenutswa kwematanho aya chete asi Covid-19 tichinayo.

“Hurumende ichaenderera mberi nechirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni uye nekuvhura nzvimbo dzakawanda dzekuti vanhu vabaiwe senzira yekuti chirongwa ichi chifambire mberi nekukasika.”

Zimbabwe kusvika pari zvino yabaya majekiseni chikamu che12,5 chevanhu vose vari munyika kubvira pakatanga chirongwa ichi munaKurume wegore rino.

Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoyambirawo veruzhinji kuti Covid-19 inogona kunyuka kechina kana vakavarairwa pamusoro pekutevedzera matanho aripo ekudzivirira denda iri.

“Chikamu chechina chechirwere ichi chinogona kunyuka nguva ipi zvayo. Zvatadzidza kubva muchikamu chekutanga nechechipiri ndechekuti kudzikama kwakaita denda iri pari zvino zviri kubva pakudzikirawo kwenyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi,” vanodaro Dr Mahomva.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 126 269 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwerwe cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga denda iri muno munaKurume wegore rapera.

Pavarwere ava, 118 792 vakatopona asi vamwe 4 538 vakafa.

Nerimwe divi, kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 2 845 148 vange vabaiwa majekiseni ekutanga ekudzivirira Covid-19 apo 1 863 136 vange vabaiwa echipiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>