Ngatishandisei ivhu zvizere: Shiri

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Ngatishandisei ivhu zvizere: Shiri Rtd Chief Air Marshall Perrance Shiri

Kwayedza

Abel Ndooka
GURUKOTA rezveminda, kurima nekusimudzirwa kwemadiridziro – Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri – vokurudzira varimi kuti vashande nesimba kuti Zimbabwe idzokere padanho rayo rakare rekuve dura rezvirimwa mudunhu reSadc.

Vachitaura pagungano rekumema zvirimwa zvembeu inouchikwa neAgriseeds kuOld Mazowe svondo radarika pamberi, Rtd Chief Air Marshal Shiri vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise ivhu zvizere.

“Varimi zvose takakupai saka tiri kushaya kuti muri kukoniwa papi, ngatisevenzei nesimba tigutse nyika yedu uye nedunhu rose reSadc. Tiri kutambisa ivhu, ivhu ngarishande chaizvo riunze maguta. Vamwe vari kushuvira kuwana mapurazi amunayo aya kuti varime asi vari kumashaya saka imi makaita rombo kumawana shandisai ivhu iri nemazvo murime zvinogutsa nyika yose,” vanodaro Rtd Chief Air Marshal Shiri.

Vanoti varimi vanofanira kuvandudzawo dzidzo yavo yezvekurima nekuenda kunoona zvinenge zvichiitwa nevamwe mumapurazi akavapoteredza.

“Itaiwo muchienda kune mamwe mapurazi muchinoona kuti vari kurima sei. Endaiwo munoita zvidzidzo zvakasiyana zvekurima muzvivandudze uyewo pamapurazi enyu pinzai vanhu vane ruzivo rwekurima mabasa kwete kungotora chero munhu.

“Zimbabwe inyika ine vanhu vakadzidza saka kudzidza uku ngakushande mukurima zvakare,” vanodaro.
Vanorumbidza Agriseeds nekuuchika kwairi kuita mbeu izvo zviri kuvandudza goho revarimi.

Zvisinei, Rtd Air Marshal Shiri vanoti makambani anouchika mbeu anofanira kutangawo kuuchika mbeu yemupunga.
“Gore rega-rega tiri kuburitsa mari yakawandisa tichitenga mupunga saka isu ngatitange tega kurima mupunga muno. Agriseeds tangai kuuchika mbeu yemupunga, varimi vanoti vanozvigona movapa nekuti ivhu munaro mvura munayo,” vanodaro.

Vamwe vaive pagungano iri vanosanganisira Zimbabwe Prisons and Correctional Services Commissioner-General, Retired Major-General Paradzai Zimondi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey