Ngatizviitirei zvinhu zvedu

20 May, 2021 - 14:05 0 Views
Ngatizviitirei zvinhu zvedu Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

VAZHINJI vedu munyika vave kuita mabhizimusi ekutenga nekutengesa zvinhu zvakagadzirwa nevamwe. Izvi zvinobatsira kuti vanhu vawane raramo mukuchengeta mhuri dzavo.

Asi chanetsa ndechekuti vanhu vanotengesa vawanda kudarika vanogadzira zvinhu zvinodiwa muupenyu hweruzhinji. Makambani ava mashoma anogadzira zvinhu izvozvo. Nokudaro dare rino rinokurudzira iwe neni kuti tiwanze kuita mabhizimusi emibato yemaoko anova ndiwo ane pundutso kunyika yedu.

Kugadzira zvinhu zvedu tega kunobatsira kuti paye patinopihwa zvirango zveupfumi nedzimwe nyika, isu tinoshanda nezvinhu zvedu zvatinogadzira. Izvi zvinoreva kuti makambani edu anoramba ari mubhizimusi nokuti anoshandisa upfumi hunowanikwa munyika yedu kugadzira zvinhu zvatinoshandisa mazuva ose.

Kana vana vedu havazodzingwa mabasa nokuti makambani avanoshandira haavhare.
Mibato yemaoko nemhuri yeZimbabwe ine pudutso zvakare nokuti makambani anoita tsvakurudzo yekugadzira zvinhu zvinodiwa nemaDzimbahwe chaizvo-izvo kwete zvekumanikidzira zvakagadzirirwa vagari vedzimwe nyika nemakambani avo.

Tarisai muone kuti kana musina chenyu munomanikidzwa kushandisa zvinhu zvamusingade.
Tarisaizve muone kuti mutengo wezvinhu zvinogadzirwa munyika yenyu wakadzika kudarika mutengo wezvinhu zvinogadzirwa kunze. Izvi zvinodaro nokuti zvinogadziriswa zvinhu zvinowanikwa muno makare saka zvinokwidza mutengo zvakadai semutengo wevanotakura panenge pasisina. Uyezve mutengo unoderera nokuti vashandi vemuno vane muhoro mushoma pane vashandi vekunze.

Kana nyika isingawanze kuhodha zvinhu kubva kunze, zvinobatsira kuti tisashandise mari dzekunze zvakanyanya nokuti mari dzekunze dzinonetsa kuwana uye zvinoderedza zvikwereti zvemari dzekunze dzinodhurira nyika.

Dare rino rinonzwa kupembedzwa kukuru nekuona mibato yemaoko inoitwa zvikuru nevechitendero chemapositori anokurudzira mhuri dzavo mabasa emaoko.

Vazhinji vavo inyanzvi dzekugadzira zvinhu zvatinoshandisa mudzimba semapoto.
Tinonzwa kudziirwa zvakare nemibato yemaoko inoitwa sekuGlen View Area 8, muHarare uko vanogadzira masofa nezvimwe. Iye zvino tave kuona kuti makambani makuru ave kutouya kuzohodha masofa aya vachitengesera veruzhinnji vanoafarira munyika ino, zvichida nevamwe venyika dzekunze. Hapachina mutsauko mukuru wezvinhu zvinogadzirwa nezvizvarwa zvemuno nevekunze.

CHENJEDZO:
Ngatifarireyi mibato yemaoko kuti nyika yedu ibudirrire. Ndokusaka Hurumende yedu nemabhangi vachitsvaga kupa zvikwereti kune vemabhizimusi madiki vanoita mibato yemaoko kuti vakudze mabhizimusi avo ari kusimudzira mureza weZimbabwe.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links