Uncategorized

Ngozi yechikomba yonetsa mukadzi wemunhu

01 Aug, 2022 - 08:08 0 Views
Ngozi yechikomba yonetsa mukadzi wemunhu Joseph Ngwarati

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

IMWE mhuri yekwaZimunya inonzi yakatarisana nedambudziko guru remweya wengozi yechikomba chemwanasikana wavo icho chinonzi chakazviuraya mushure mekunge charambwa apo nyaya yekudanana kwavo yakazivikanwa nemurume wake munaChikumi gore rakapera.

Elijah Ngwarati anonzi akazviuraya mushure mekurambwa naVeronica Mutyamaenza uyo waaidanana naye apo aive akaroorwa naTakesure Matika.

Matika anonzi akabvunza Elijah nezvenyaya yekudanana kwaaiita nemudzimai wake asi akaramba kuti vaidanana.
Mutyamaenza anonzi paakaona kuti murume wake ave kuziva nezvekudanana kwake naElijah, akabva amuramba asi chikomba ichi chakatadza kuzvitambira ndokubva chazviuraya.

Elijah naMutyamaenza vanonzi vakanga vava nemakore matanhatu vachidanana.
Zvinonzi Mutyamaenza, uyo pamwe chete nemurume wake vane mabhizimusi ezvitoro zveMatika Shops paGutaurare Business Centre, kwaZimunya, aitengera Elijah zvipo nyaya yekudanana kwavo iyi isati yazivikanwa naMatika.

VeMhuri mbiri idzi pavakamiswa mudare raMambo Zimunya nguva pfupi yadarika, mweya wemushakabvu wakabuda pamukoma wake, Joseph Ngwarati, paakangotarisa Mutyamaenza.

Joseph akavhura maziso ndokukambaira akananga paiva naMutyamaenza achida kumurwisa apo akazorandutsirwa nevanhu vaive padare iri.
Kunyangwe zvazvo kunze kwaitonhora apo munhu wose aive akapfeka zvipfeko zvinodziya, Joseph akanga achidikitira zvikuru, zvekutotesa zvipfeko zvake.

“Ndakazviuraya nekuda kwemukadzi uyu kwete nekuti ndaida kuzviurara, asi kuti iye nemurume wake nevamwe vanhu vaviri (vanozivikanwa) vakaenda kun’anga yekuChipinge kunotsvaga mishonga yekuti nditore upenyu hwangu.

“Aisada kuti ndiudze murume wake nezvenyaya yekudanana kwedu asi kuti akaita kuti ndizviuraye.
“MunaChikumi gore rakapera, murume wake akandibvunza nezvenyaya iyi, asi ndakaramba kuti handizvizive sezvo ndaimuda zvakanyanya.

“Mushure maizvozvo, akazomunetsa nezvenyaya iyi uye pandakasangana naye kwataigara, akaramba kuti akanga amuudza nezvekudanana kwedu. Akandiudza kuti ndisaudze Matika chero chinhu.
“Akabva andiudza kuti taive tarambana uye handina kukwanisa kuzvitambira. Zvaisave nyore kuti ndizvitambire nekuti ndaimuda nemwoyo wangu wose,” unodaro mweya waElijah.

Mumwe mukoma waElijah, Samson Ngwarati anoti anofungidzira kuti Matika, Mutyamaenza neshamwari dzavo vakaponda munin’ina wake vasati vamusungirira kuti zvigoita semunhu azviuraya.
Achipawo divi rake, Mutyamaenza anoti Elijah haana kupondwa, asi kuti akazviuraya mushure mekunge amuramba.
Anoti haana kudanana naElijah kwemakore matanhatu asi kwemakore mana chete.

“Anonyepa, hatina kumbobvira tadanana kwemakore matanhatu. Aingova makore mana chete. Nhare yaakanditengera ndichinayo.
“Ndinokumbirisa vemhuri yake kuti ndiidzosere nekuti kana tapedza kuripa mweya wengozi yake ndinoda kubva ndapedza nezvake.

“Taidanana asi handina kumbobvira ndabatana nemurume wangu nevamwe varume kunotora mushonga kuChipinge kuti vamuuraye. Akazviuraya sezvo asina kuzvitambira pandakamuudza kuti rudo pakati pangu naye rwapera,” anodaro Mutyamaenza.

Vachipa mutongo wavo, Mambo Zimunya vanoti mhuri yekwaMutyamaenza inofanirwa kubhadhara mombe nomwe kumhuri yekwaNgwarati senzira yekuripa ngozi yaElijah.

Vanoti mombe idzi dzinofanirwa kupihwa mhuri yekwaNgwarati musi wa31 Chikunguru apo pachaitwa mutambo wekuchenura pamusha pemumhuri iyi kwaSabhuku Gutaurare.
Mutyamaenza akatorambwa nemurume wake nekuda kwenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey