Tendai Gukutikwa
VANHU vaive mudare raMambo Mutasa kwaMutasa, kudunhu reManicaland vakasara vasina neremuromo apo mweya wengozi unonzi wakataura kuti unoda kuripwa nenzou hadzi pamwe nemombe 35.
Mweya wengozi yaLazarus Madekerera, uyo waisvika pane mumwe mwana wemhuri yemushakabvu, wakati unoda zvekare kuvakirwa imba, kupihwa nzvimbo yekurima uye paguva pemushakabvu uyu poiswa dombo sezvo chimiro charo hachina kunaka kubvira paanonzi akaurayiwa muna1988.
Ngozi iyi yakange yamboti inoda kuripwa nekupihwa mudzimai asi ndokuudzwa kuti mutemo hauchatendera kuti munhu aripiswe ngozi.
Izvi zvakabva zvaita kuti ngozi iyi iti inoda kuripwa nenzou hadzi.
Ngozi iyi yakati kuripwa nemombe dzoga kwakange kusina kukwana, ichiti mushakabvu akaurayiwa nevemhuri yake nekudaro vanofanirwa kurwadziwa nekuripa senzira yekutsividza.
“Kana musingadi kundipa mukadzi, ndipeiwo nzou hadzi pamwe chete nemombe 35, imba neminda yekurima. Mhuri yangu inofanirawo kuisa dombo paguva rangu. Ndakafa muna1988, asi guva rangu riri mumamiriro ezvinhu anosiririsa. Mombe dzega hadzipedze shungu dzangu dzekuda kutsiva. Ndingadai ndava nevana vana (4) uye nevazukuru panguva ino kudai ndisina kuurayiwa nezvidhoma zvababa vangu,” unodaro mweya wengozi uyu.
Baba vaLazarus, Jairos, avo vari kupomerwa nemweya uyu kuti ndivo vakamuuraya vakafa kare.
Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti munin’ina waLazarus, Passmore, ndiye anofanirwa kuripa ngozi iyi.
Passmore akapikisana nemashoko aitaurwa nemweya wengozi achiti Lazarus akazviuraya mushure mekunge apisa imba yababa vake.
“Ndashamiswa zvakanyanya nezviri kutaurwa nekuti Lazarus akazviuraya mushure mekunge apisa imba yababa vedu. Ndaive mudiki kwaari asi ndakange ndirpo
paakapisa imba iyi. Nekutya, akatiza apo baba vedu vakauya. Akazodzoka kumba pakati pehusiku asi akatya kupinda mumba ndokubva atiza zvekare. Zuva rakatevera, takazomuona akazvisungirira pamuti musango riri pedyo,” anodaro Passmore.
Akabvunza kuti sei mweya waLazarus uchiti unoda kuripwa asi iye akazviuraya.
Sekuti izvi zvakange zvisina kukwana, mumwe mweya wengozi wababamukuru vaPassmore, Rishoni Madekerera, wakabva wabuda zvekare pamunin’ina wemwana ari kusvikirwa nengozi yaLazarus.
Mweya waRishoni unoti naiyewo akauraiwa nababa vaPassmore, Jairos Madekerera, nenzira ine hutsinye hwakanyanya.
“Mwanakomana wake (Lazarus) haazi kunyepa. Ndinozviziva nekuti Jairos akandibata sikarudzi ndokudhonza zvakakonzera kuti ndife. Handini ndoga ndakatambura uye ndokuzofa nenzira iyi inorwadza kudai. Kune vamwe vemhuri vakaurayiwa nenzira imwechetewo. Vanofanirwa kutiripa,” unodaro mweya waRishoni.
Amai vemwana vana vari kusvikirwa nemweya wengozi iyi, Mai Precious Gunja-Madekerera, vakatsinhira mashoko aya vachiti baba vavo vasati vafa vakavaudza kuti Jairos aive nechekuita nekufa kwavo.
“Vasati vafa, vakatiudza kuti Jairos akadhonza sikarudzi yavo. Vakati zvekare isu sevana vavo taizofanirwa kuona zvekuita nenyaya iyi, zvino Passmore anoda kuramba asi achiziva kuti vana vangu vari kutambura, ane mwoyo wakaipa zvakanyanya. Aya haazi mahumbwe. Ndufu idzi dzakaitika makore ekuma1980 apo ndaive ndichiri musikana mudiki uye vana vangu vakaberekwa
mumakore ekuma2000. Vakaziva sei zvose zvakadzika-dzika izvi, zvimwe zvacho ini zvandisingatozive?” vanodaro.
Vakakumbira dare kuti rivabatsire kuti mweya yengozi iyi isarambe ichitambudza vana vavo.
Mambo Mutasa vakati vemhuri iyi vanofanirwa kunobvunzira nezvedambudziko iri kuna chiremba wechivanhu uye mushure mezvo vozodzoka kudare vachitaura zvinenge zvabudako.