Uncategorized

Ngozi yopedza dzinza…15 vafa munguva pfupi

24 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Ngozi yopedza dzinza…15 vafa munguva pfupi Mhuri yekwaKapfuka vaine mumwe wavo anonzi anorwara nepfungwa (akasungwa nengetani kurudyi)

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

NGOZI inonzi iri kubhebha mune imwe mhuri yekwaMambo Zimunya, kwaMutare, uko yauraya vanhu vanodarika 15 mumakore gumi adarika 4 vavo vakafa mumwedzi waNyamavhuvhu uno bedzi.

Nyakupara ngozi iyi anonzi akasvika pakufa asina kutaurira hama dzake mhosva yaakapara iyi.

Zvinonzi baba vaSimion Muchabveyo avo vasina kudurwa zita ravo vakasvika pakufa vasina kudurira mhuri yavo mhosva yavakapara iyi zvikakonzera kuti ngozi ipfuke mumhuri yekwaMuchabveyo nekwaKapfuka.

Kunyangwe zvazvo mushakabvu uyu asina kudura nyaya iyi kuhama dzake, gure rakazobuda apo ngozi yakamuka chibhebhenenga ichiuraya vanhu vemhuri iyi.

Nyaya iyi yakazobuda pachena svondo rapera mudare reMutare Civil Court ako Simion ari kukumbira gwaro redziviriro kubva kumukoma wake Samuel Kapfuka nevana vake — Lewis, Simbarashe naFrancis.

Ari kuvapomera mhosva yekumushungurudza vachiti vanoda kuziva nyaya yemurume akapondwa nababa vake uyo ave kumuka ngozi.

Dare rinoziviswa kuti ngozi iyi yakatouraya vanhu 15 vemhuri yekwaMuchabveyo nevekwaKapfuka, kusanganisira vana vaSimion vose.

Mwedzi wadarika, vanhu vana vemhuri yaKapfuka vanonzi vakafa zvisina tsarukano apo mumwe wacho akabva atanga kurasika njere.

Simion anoudza dare kuti haana ruzivo pamusoro pengozi inonzi yakaparwa nababa vake.

Simion Muchabveyo

“Baba vangu vakauraya munhu uye takatozoziva nezverufu rwake mushure mekunge taenda kunobvunzira kun’anga nemaporofita. Ngozi iyi yakauraya vana vangu vose, saka ndiri kudawo rubatsiro kubva kune mukoma wangu uyo ari kundipomera mhosva yandisina kupara.

“Vanoda kuti ndivataurire zita remunhu akapondwa nababa vangu asi ini ndakanga ndisipo pazvakaitika saka ndingaziva sei munhu wacho?” anodaro Simion.

Zvisinei, Samuel akaunza mwana wake anorasika njere kudare sehuchapupu uye anoti haazi kufara nemaitirwo ari kuitwa nemunin’ia wake panyaya iyi.

Anoti ngozi iyi iri kumushungurudza zvikuru nekumuuraira vana vake.

“Anofanira kutiudza zita remunhu akapondwa nekwaanobva kuitira kuti tibatane nemhuri yacho tiripe ngozi iyi. Hatisi kumupomera mhosva yekuuraya munhu asi kuti iye Muchabveyo aiwirirana zvikuru nababa saka tinovimba vakadura kwaari zvavakaita vasati vafa,” anodaro Samuel.

Anoti baba vaSimion pavakange vachiri vapenyu, vanonzwa kuti vakatora mari yesimbi $0,10c ndokuisa kana kuti kutandira mweya wengozi iyi pamari iyi vakabva “vauperekedza” kumusha kwemunhu anonzi akapondwa uyu.

“Ndiyo nzvimbo yatinoda kuti atiudze kuti ndekupi kumusha kwacho,” anodaro Samuel.

Mutongi Muchineripi akapa Simion gwaro rerunyararo.

Nyaya iyi inotarisirwa kunzwikwa zvakare mudare raMambo Zimunya nemusi wa27 Gunyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>