Uncategorized

Ngozi yotsvaira mhuri . . . Yauraya vanhu 12 Zvose nemasvikiro

07 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Ngozi yotsvaira mhuri . . . Yauraya vanhu 12  Zvose nemasvikiro Mambo Mutasa

Kwayedza

Tendai Gutikwa ari kwaMUTARE

VANHU 12 vemhuri imwe chete inogara kwaMambo Mutasa, kwaMutare — kusanganisira 4 vavo vaisvikirwa nemidzimu — vanonzi vafa zvisinganzwisisike mukati memakore maviri adarika zvichitevera kuramba kuri kuita vemhuri iyi kuripa ngozi yemunhu anonzi akafa nekupondwa nemumwe wavo.

Ngozi iyi iri kubuda ichiti ndeyaJohn Kudzunga uyo anonzi akapondwa naOscar Hapadyiwi (Snr) mugore ra1980 uye inonzi inoti inoda kuuraya vanhu vose vedzinza rekwaHapadyiwi kana isina kuripwa.

Ngozi iyi inonzi yauraya vanhu 12 vemhuri yekwaHapadyiwi mukati memakore maviri.

Izvi zvakabuda apo mhuri yekwaHapadyiwi inogara mubhuku rekwaMukoyi yakapotera kudare raMambo Mutasa mushure mekumhan’arira mudzimai waOscar (Snr), Venna Hapadyiwi, vachiti haasi kuda kuisa musoro pamwechete nevamwe nechinangwa chekuti varipe mweya wengozi uyu.
Oscar (Snr) anonzi akaurayiwawo nengozi iyi.

Vanin’ina vaOscar (Snr) vanoti Oscar Hapadyiwi (Jnr), Owen Hapadyiwi naMartin Hapadyiwi vari kupomera Venna kuti haazi kuda kubatsirana nevamwe kuti varipe ngozi iyi kunyangwe zvazvo murume wake achinzi ndiye akaponda Kudzunga.

“Tiri kurarama upenyu hunosiririsa nekuda kwengozi iyi, mweya waKudzunga uri kutitambudza zvikuru uye hauzi kutizorodza. Kusvika pari zvino, ngozi iyi yauraya vanhu 12 vemhuri yedu, kusanganisira Oscar, murume anove honzeri.

“Apo mwana wekutanga akabatwa nemweya waKudzunga ndokutaura uchiti unoda mombe nomwe dzekuripwa nadzo, Oscar akange achiri mupenyu. Akaramba kuti ane chekuita nekupondwa kwaKudzunga. Kuramba kwaakaita ndiko kwakakonzera kuti aurayiwe nengozi iyi,” anodaro Oscar (Jnr).
Owen anoti Oscar (Snr) akarambidza vemhuri yake kuti varipe ngozi iyi panove payakabva yamuka chibhebhenenga.

“Resca Hapadyiwi, uyo aipoterwa nemudzimu aine makore 22 okuberekwa, akabva afawo zvisinganwisisike. Mwedzi wakatevera, mumwe mwana Ethel aive nemakore 16 okuberekwa, akabudirwa nemweya wengozi uyu zvakare ndokuvimbisa kuti iye aizofa kana isina kuripwa izvo zvakaitika mushure menguva pfupi-pfupi.

“Kubva ipapo, vamwe vanasikana vakabudirwa nemweya wengozi uyu uye ndokufa zvisina tsarukano,” anodaro Owen.

Anoti vanhu vasere vemhuri yavo vakafa mushure mekunge ngozi iyi yavayambira kuti vaizofa kana vasina kuiripa.

Zvichitevera kufa kwaOscar (Snr), vemhuri yekwaHapadyiwi vari kuzama kuda kuripa ngozi iyi asi mukadzi wake nevana vanonzi vari kuzviramba.

“Haadi (Venna) kubatana nevamwe kunyangwe zvazvo murume wake ari iye akaponda munhu uyu. Semhuri, tiri kuzama kuripa ngozi yakaparwa nemurume wake, asi ari mushishi yekukanganisa kuti pasawane chinobudirira. Anoda kuti ngozi iyi itiuraye tose. Anozviziva kuti iye haaurayiwe nengozi iyi nekuti haazi wedzinza redu,” anodaro Owen.

Mambo Mutasa vakaudza Venna kuti abatane nevemhuri yekwaHapdyiwi mukuripwa kwengozi iyi uye voita zvairi kuda.

Vemhuri yekwaHapdyiwi vakanzi vadzoke kudare nemusi wa30 Ndira vaine mumwe wemhuri yekwaKudzunga uyo anotarisirwa kutsinhira zviri kudiwa mukuripwa kwengozi iyi.

Share This:

Sponsored Links