Tendai Gukutikwa
SHAVISHAVI kana kuti “butterfly” paChirungu rinogara richitiyeuchidza nezvekunaka kwemamiriro ezvinhu, chinodaro chirevo chekare.
Kunyange zvazvo ichi chingave chokwadi mumamiriro ezvinhu akawanda, chirevo ichi chasanduka kuvanasikana vemhuri yekwaManhamo-Ruzai, kuHonde Valley, sezvo pose pavanosangana nemashavishavi, anonzi anopinda mumaziso mavo vobva vatadza kuona zvakanaka.
Zvinonzi vanasikana vemhuri iyi, kakawanda, vanosangana nemashavishavi ari kubhururuka achiuya kwavari, achipinda mumaziso avo, zvoita kuti vasaona.
Mashavishavi anonzi akatanga kuita manenji aya mugore ra2008 – uye kwapera makore 16 – vabereki vevanasikana ava vakaenda kudare raMambo Mutasa kunodurura zviri pamwoyo yavo.
Achirondedzera nezvedambudziko revanasikana vake nguva pfupi yadarika, Aaron Ruzai anoti mumwe wavo akadzingwa pamba nemurume wake sezvo akange aneta nedambudziko riri kukonzerwa nemashavishavi aya.
“Mashavishavi asinganzwisisike aya anongoonekwa nevasikana ava paanobhururuka achiuya kwavari, opinda mumaziso avo achiita kuti vasaona kwenguva duku kusvika abhururuka achibuda.
“Zvinogona kutora zuva kana mwedzi, uye chave kundinetsa ndechekuti izvi zvinoitika nguva imwe neimwe vanasikana vangu pavanoroorwa. Zviri kukanganisa wanano dzavo nekuti vari kupedzisira vadzingwa nevarume vavo,” anodaro.
Ruzai anoti ave nemakore akawanda achirwadziwa zvakanyanya sezvo mwanasikana wake wekutanga atambudzwa nemashavishavi aya kwemakore 16 apfuura.
Anoti ari kunyumwa kuti mwana wemukoma wababa vake, Togara Manhamo, ndiye ari kukonzera kutambura kwevanasikana vake.
Anopomera Togara mhosva yekuuraya mushandi wake wepamba uyo aive mwana wen’anga yekuMozambique.
N’anga iyi inonzi yakatsidza kuti vemhuri iyi vaizopera nengozi yemwana wayo.
“Taurai Mariyo wekuMozambique akafa achishanda pamba paTogara. Baba vake, avo vanova n’anga kuMozambique, vakaudza Togara kuti kana vaine chekuita nekufa kwemwanasikana uyu, vaizotambura. Ini zvino ndinofungidzira kuti zvinhu zvinoshamisa izvi zvinoshungurudza vanasikana vangu chiratidzo chemweya wengozi yemushakabvu uyu. Ndakamboedza kutaura naye pamusoro penyaya iyi zvikatowedzera kupesana mumhuri dzedu,” anodaro.
Ruzai anoti mumwe mwanasikana wake ava kubatwa nepfari – chirwere chaimbotambudza Mariyo – izvo zviri kuwedzera fungidziro yekuti vanasikana vake vanorwiswa nemweya wemushakabvu.
Zvakabudawo mudare iri kuti vanhu vatatu vemumhuri yekwaManhamo-Ruzai vanofa gore negore.
Rumbidzai Manhamo akateterera Mambo Mutasa kuti vamanikidze Ruzai naTogara kuti vasiyane neruvengo rwuri pakati pavo vogadzirisa dambudziko iri.
Togara anotsinhira nyaya yekuti Mariyo aive mushandi wake wepamba paakafa asi ndokuramba kuti ane chekuita nerufu rwake.
“Maoko angu akachena. Handina kukonzera kufa kwejaya iri. Akanga atofa pandakamutora paakanga ari. Ndakaendesa mutumbi wake kunababa vake, avo vakandityisidzira kuti mweya wengozi yake waizotishungurudza kana ndaiva nechokuita nerufu rwake.
“Zvakadaro, mukufamba kwatinoita, takazoona kuti vamwe vemumhuri medu vakaromba uye ndivo vane zvidhoma zvakauraya Mariyo nekudaro mweya wake wave kutipomera mhosva yekumuuraya,” anodaro.
N’anga, Shingirayi Mukotsanjera, akaudza Mambo Mutasa kuti ave nemavhiki achishanda nemhuri iyi uye akakwanisa kumisa kurwiswa kwemashavishavi kwekanguva, apo pachitsvagwa kugadziriswa kwedambudziko iri zvachose.
Mambo Mutasa vakati vemhuri iyi vanofanira kuenda kuMozambique, votaura nababa vaMariyo vachibatsirwa naMukotsanjera, vonzwa kuti mushakabvu anoda chii semuripo wekunyaradza mweya wake.
Nyaya iyi ichaenderera mberi nekutongwa mudare iri munguva inotevera kuitira kuti vemhuri yekwaManhamo-Ruzai vawane mukana wekuenda kuMozambique.