Nguva yekudyara chibage

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Nguva yekudyara chibage

Kwayedza

Wendy Madzura

TINOFAMBIRA mberi nekutarisa nyaya yekusarudza mbeu yechibage zvine ungwaru.

Tikatarisa muenzaniso wembeu yechibage yeNzou, tinoona kuti inoda mwaka murefu wekunaya kwemvura kuti ibereke goho repamusoro. Nokudaro mbeu yeNzou neShumba inokurudzirwa kudyarwa kunzvimbo dzinonaya mvura yakawanda zvekubva pahuwandu hwe750mm kusvika kana kupfuura 1 000mm pamwaka.

Idzi nzvimbo dzinosanganisira kuManicaland, Mashonaland East, Mashonaland Central neMashonaland West (Region 1, 2A & 2B).

Mbeu dzinotora mwaka uri pakati nepakati kusvika pakuibva dzinosanganisira Mbizi idzo dzinokwanisa kudyarwa kunzimbo dzakasiyana-siyana, kunze kwedzimwe nzvimbo dziri kuMatabeleland (Region 4 & 5).

Mbeu dzinotora mwaka mupfupi pakukura kwadzo dzinokurudzirwa kunzvimbo dzinonaya mvura shoma inotangira pa800 mm zvichidzika. Idzi mbeu dzinosanganisira Tsuro neTsoko.

Nzvimbo idzo dzinonaya mvura shoma dzinosanganisira kuMasvingo, Midlands neMatebeleland (Region 3, 4 & 5).

Varimi vane madiridziro vane mukana wekusarudza mbeu dzinotora mwaka murefu seNzou neShumba nokuti vanokwanisa kuzodiridzira kana mvura yatadza kunaya. Zvakakosha kurangarira kuti mbeu inoda kuwana mvura yakakwana kuti ikure zvakanaka.

Mazuva ekudyara akakosha pakusarudza mbeu sezvo dzichisiyana pamazuva ekuibva – Tsuro inotora mazuva ari pasi pe110. Tsoko inotora mazuva 119 kusvika pa127. Mbizi inoita mazuva 137, Shumba ichitora mazuva 135 kusvika pa148 kozoti Nzou inoitawo mazuva 148 kusvika pa160 kuti isvike. Tinokurudzira kuti mbeu dzinotora mwaka murefu dzidyarwe nokukasira.

Varimi vasina madiridziro vanokurudzirwa kudyara nemvura yekutanga inokwanisa kumeresa mbeu, kunyanya kana vachidyara mbeu yemwaka murefu seNzou. Kana mwaka wekunaya kwemvura ukanonoka kutanga, varimi vasina madiridziro vanokurudzirwa kusarudza mbeu dzinotora mazuva ari pakati nepakati kusvika pakuibva. Idzi dzinosanganisira mbeu dziri mumhuri yeShumba kana Mbizi.

Mbeu dzinotora mwaka mupfupi dzinokurudzirwa zvakanyanya kuvarimi vangada kudyara kana mwaka wafamba zvekusvika kupera kwaZvita nokuti mazuva anotora mbeu idzi kuti dzisvike pakuibva anofanira kuenderana nekupisa kunenge kuchiita kunze kuti mbeu ibereke goho repamusoro.

Zvakakosha kuti varimi vazive huwandu hwemadzinde avanenge vachida kuisa pandima nokuti zvinobatsira pakuita sarudzo yembeu. Mbeu dzinosiyana pakureba kwadzinoita madzinde kana dzichinge dzakura. Nzou inoreba kana ichinge yawana zvakaikwanira nokudaro hatikurudzire kuti varimi vadyare madzinde akawanda zvekupfuura 60 000 nokuti zvinoita kuti idonhe iri mumunda.

Kana mbeu ikadonha, varimi vanorasikirwa negoho nokuti chibage chinodyiwa nemuchenje uye kana chibage chikadonha, chinonetsa kukohwa nemuchina kana nemaoko. Nokudaro varimi vanofanira kusarudza mbeu maringe nemadzinde avanenge vachida kuzodyara pandima.

Muchidimbu, mbesa zhinji kusanganisira chibage dzine mhando dzembeu dzakasiyana. Kurudziro yatinopa varimi ndeyekuti vashande pamwe chete nevarimisi vavo veSeed Co neveHurumende vari pedyo navo kuti vawane ruzivo rwakakwana maringe nembeu inoenderana nenzvimbo yavanorima vari (region).

Rangarirai kuti kune zvinhu zviviri zvinoita kuti varimi vawane goho repamusoro. Chokutanga isarudzo yembeu, chechipiri kurima zvakanaka mumunda. Seed Co ndiwo musha wegoho guru.

Wendy Madzura murimisi kuSeed Co uye anobatika pa0773270080

 

Share This:

Sponsored Links