Ngwarira chikafu chaunodya – Chunga

30 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Ngwarira chikafu chaunodya – Chunga Moses Chunga

Kwayedza

Abel Ndooka
MOSES “Bambo” Chunga anoti apo mitambo yakambomiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19, vatambi ngavashandise mukana uyu kuita gadziriro vari kudzimba dzavo uye vachidya chikafu chinovaka nechinosimbisa muviri.

Nekuda kweCovid-19, mitambo yenhabvu yakambomiswa kunyika dzepasi rose senzira yekuti vanhu vasaungane uye vagare kudzimba kuitira kumisa chirwere chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa ichi.

Naizvozvo vatambi venhabvu kunyika dzakawanda vari kuita gadziriro dzavo vari mudzimba dzavo, vamwe vachishandisa michina yechizvino-zvino.

Asi vatambi vemuno havana michina iyi, saka sekutaura kwaBambo, vatambi ava vanogona kushandisa nguva ino nekuita zvimwe zvinovaka nekugwinyisa miviri yavo.

“Chandinoziva ndechekuti vatambi vari kurasikirwa nenguva zhinji yekutamba nhabvu. Saka vanofanirwa kushandisa nguva ino kuita gadziriro dzavo vari mudzimba, vachimhanya kana kuseri kugadheni chaiko kana kuita ma’exercise’ kuitira kuti miviri yavo igare yakasimba,” anodaro Chunga.

Anoenderera mberi achiti miviri yevatambi vemuno vazhinji midiki chaizvo nekuti havakoshese zvavanodya. Anoti chikafu chemutambi wenhabvu chinokosha kuti agotamba kwemakore akawanda.

“Chikafu chinodyiwa nemutambi wenhabvu chinokosha zvikuru. Zvikafu zvakaita sederere, manhuchu zvinovaka muviri chaizvo uye zvakareruka pamutengo saka ndizvo zvandinokurudzira vatambi kuti vadye vagosimbisa miviri yavo,” anodaro Chunga.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey