Ngwarira Fesibhuku!

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

  1. NYORA zvidzidzo, zvishanu zveupenyu zvawakawana mumutambo Kereke Inofa uchitsigira nezvinoitika mumutambo uyu. [25]

Chidzidzo chekutanga chandakawana muna Kereke Inofa ndechekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje. Izvi zvinojekeswa naPastor Mwenje vakanga vachiedza kuvanza pamuviri pavakapa Sarah nekuenda naye kuUK asi zvinozobuda pachena kuna Zebra murume waSarah naMary mudzimai wavo, pavanoonekwa vari muchipatara cheWest End naSarah abatsirwa nemwana.

Muna Kereke Inofa ndakadzidza kuti n’anga haizvirape. Izvi ndakazviwana kuna Pastor Mwenje vakanga vachinamatira vamwe vanhu vaida mbereko vachidziwana asi vaitadza kunamatira mudzimai wavo, Mary kuti abatirewo pamuviri sezvo ainetseka nedambudziko rekushaya mbereko. Chimwe chidzidzo chandakawana mubhuku Kereke Inofa ndechekuti ukarera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma. Chidzidzo ichi chinozadziswa naSarah akanga achisiiwa naMary pamba pake achimubatsira basa repamusha ozopiwawo mari. Kumagumo azvo Mary anozorwadziwa aputsirwa imba naSarah akanga apiwa mwana nemurume wake, Pastor Mwenje. Imwe dzidzo yandakawana muna Kereke Inofa ndeyekuti paFesibhuku hapadi kuitwa shamwari dzakawanda. Dzidzo iyi inoburitswa naBeauty paanenge achirayira hanzvadzi yake, Charles kuti Fesibhuku inonyanya kuda kungwarirwa nekusaita shamwari dzakawanda nekuti dzimwe dzacho dzinozopedzisira dzamufurira.

Nyaya iri mubhuku Kereke Inofa yakandidzidzisa kuti ruchiva rwakaipa. Izvi ndakazvidzidza kuna Susan akaita ruchiva rwemari yechikomba chaBeauty chainzi Dance. Anotanga kudanana naDance muchivande asi mhedzisiro yacho anozoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey