‘Ngwarirai Avian Influenza’

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Ngwarirai Avian Influenza’ Dr Nyika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE inoti yakagadzirira kurwisa chirwere cheHighly Pathogenic Avian Influenza (HPA1) chinobata huku nedzimwe shiri icho chakanyuka kunyika yeSouth Africa munguva pfupi yadarika.

Zimbabwe yakambotambudzwa nechirwere ichi pakati pemwedzi waChivabvu naNyamavhuvhu gore rapera icho chakazopera muna Zvita.

Dr Josphat Nyika vekuDepartment of Veterinary Services vanoti chirwere ichi parizvino chakanyuka kuSouth Africa.

“Takaziviswa nenyanzvi dzinoona nezvezvipfuyo kuSouth Africa kuti kune matunhu maviri ari kuNorth Province ane chirwere ichi.

Hurumende inoti yakagadzirira kurwisa chirwere cheHighly Pathogenic Avian Influenza (HPA1) chinobata huku nedzimwe shiri icho chakanyuka kunyika yeSouth Africa munguva pfupi yadarika.

“Chirwere ichi chinofambiswa neshiri dzemusango saka seZimbabwe tinoshushikana zvikuru nekuti shiri idzi ndidzo dzinofambisa zvirwere ichi uye dzinofamba nyika nenyika,” vanodaro.

Dr Nyika vanokurudzira varimi nenyanzvi dzinoona nezvemhuka kuti vange vachiita ongororo senzira yekudzivirira kunyuka kwechirwere ichi.

“Tine zvirongwa zvatiri kuita mumabhodha enyika. Zimbabwe yakambotambudzwa nechirwere ichi paLanark Farm gore rapera asi takazozivisa nyika kuti chakanga chapera muna Zvita 2017. Zvisinei, tichiri kuita ongororo kuhuku dzose nemisika inotengesa huku. Kubvira apo nyika yeSouth Africa yakataura nezvekunyuka kwechirwere ichi, takatomisa kupinzwa kwehuku uye zvekudya zvinogadzirwa nehuku kubva kunyika iyi. Kumiswa kwekutengeserana uku kucharamba kuriko nekuti chirwere ichi chichiriko,” vanodaro.

Dr Nyika vanokurudzira veruzhinji kuti vange vachishanda pamwe neveVeterinary Import Controls senzira yekuderedza kutekeshera kwechirwere ichi.

Gore rapera, Zimbabwe neSouth Africa zvakarasikirwa nehuku dzinodarika miriyoni imwe chete nepamusaka pechirwere cheAvian Influenza.

Zimbabwe yakauraya huku 215 000 uye izvi zvakakanganisa zvikuru kuwanikwa kwemazai nezvekudya zvinogadzirwa kubva muhuku munyika yose.

Zvakadai, mudunhu reSouthern Africa, chirwere ichi chakanyukawo kunyika yeDemocratic Republic of Congo (DRC).

Sangano reZimbabwe Poultry Association rinoti zvichitevera kunyuka kwechirwere cheAvian Influenza, huwandu hwehuku pamwe nemazai zvakaderera kubvira mumwedzi waGumiguru naZvita gore rapera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey